Accessibility links

Breaking News

America Inoti VaMugabe Vari Kudyidzana neMagandanga


Hurumende yeAmerica yaisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, pamwe nemuzukuru wavo, VaLeo Mugabe, pavanhu vanonzi vari kudyidzana nemasangano anofungidzirwa kuti anotsigira mabasa ehugandanga.

Rimwe sangano reAl Aqsa Foundation rekuSouth Aftica, iro rinozviti rinobatsira nherera muPalestine, raiswawo pamasangano anobatsira zvehugandanga. Sangano iri rinonzi rinodyidzana neAl Qaida neHamas yekuPalestine.

Dzimwe shamwari dzaVaMugabe, muzvinabhizimisi VaBilly Rautenbach naVaJohn Bredenkamp, vaiswa pagwaro revanhu vanodyidzana nemaganganga ava.

Asi VaLeo Mugabe vanoti havana zvavari kuziva nezvekuiswa zita ravo pavanhu vanoburitswa nehurumende yeAmerica.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti zvinonetsa kuti zvinzwisisike kuti sei VaMugabe vaiswa pagwaro rine vanodyidzana nemaganganga iri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMugabe panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG