Dare remakurukota rinoti ratenderana kuvandudza mutemo une chekuita nesarudzo kana kuti Electoral Act. Mutemo mutsva uchakurudzira kuti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iburitse zvinenge zvabuda musarudzo mukati memazuva mashanu kubva zuva ratanga kuitwa sarudzo.
Musarudzo yapfuura ya2008 zvakambonetsa kuti ZEC iburitse zvainge zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika zvakapa kuti vamwe vati yaida kuwana mukana wekubirira.
Vatungamiri vakakwikidza musarudzo iyi vaiva mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri wemavambo, VaSimba Makoni.
Mutemo mutsva uyu kana uchinge watambirwa nematare maviri eparamende, achasungirawo mapurisa kusava nechekuita nesarudzo kunze kwekungochengetedza runyararo. Mapurisa aimbenge onzi abatsire vanhu kuvhota zvikuru vakaremara.
Hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende inenge iine vachuchusi nematare akagarira kutonga vose vanoita zvemhirizhonga muguva yesarudzo.
Vanobatwa nemhosva vanogona kunzi vasakwikwidzezve musarudzo. Dare remakurukota rinoti mutemo wekuti paitwe imwe sarudzo yechipiri kana pasina munhu asvika zvikamu makumi mashanu kubva muzana nevhoti rimwe kana kuti 50% plus one vote, ucharamba uripo.
Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende yatotanga kunyora danho rekutanga remutemo uyu, kana kuti draft, yozoendeswa kudare reHouse of Assembly.
VaWelshman Ncube ndivo munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, uye vari nhengo yedare remakurukota. VaNcube vanoti vanotambira nemufaro kuvandudzwa kwemutemo wesarudzo. Mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaObert Gutu, vanotiwo nyaya yemhirizhonga pasarudzo inenge yopera kana mutemo wakadai uchinge wavapo.