Bato reZanu-PF rinoti hurumende dzekunze dziri kushanda nemasangano ekunze kuti dzifurire vana veZimbabwe kuti varambe kutambira bumbiro idzva remitemo yenyika.
Izvi zvinotevera kunyunyuta kwakanyanya kubva kuMDC nemasangano akazvimirira oga nekurohwa kwenhengo dzawo nevatsigiri veZanu-PF.
Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangwana, varamba kuti pane mhirizhonga iri kuitika munyika. Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti masangano akazvimirira oga ari kureva nhema kuti vari kushungurudzwa. Vati izvi vari kuzviita vachitsigirwa nenyika dzekumawirira dzisiri kuda kuti zvinhu zvifambe zvakanaka munyika.
Asi mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, vakakurudzira vanhu vose kuti vabatane mukunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, kwete kuita zvemhirizhonga muchirongwa ichi.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti havazivi kuti VaGumbo vari kugara munyika ipi nekuti zviri pachena kuti vatsigiri veMDC vari kurohwa neZanu-PF.