Accessibility links

Breaking News

Mapato Ari muGNU Ogadzirira Kupedza Mhirizhonga


Mapato matatu ari muhurumende ari kutarisirwa kuumba boka rinonzi Inter Party Organization on Dialogue, kana kuti IPOD, iro richatarisirwa kuva munharaunda dzese dzenyika kuitira kuti ritaure pamwe nekudzivirira nyaya dzemhirizhonga.

Izvi zvakabuda pamusangano weZanu PF nemapato eMDC maviri wakaitwa muHarare neChitatu.

Zvinonziwo vanhu vakapondwa kana kupisirwa dzimba dzavo, vacharipwa uye pachapihwa kurudziro yekuti mhirizhonga isaitike zvakare munyika.

VaSanderson Makombe vanoti vakapona nepaburi retsono pakapondwa nhengo mbiri dzeMDC kuBuhera muna 2000, Muzvare Talent Mabika, naTichaona Chiminya.

Nhengo yesangano revasori, Joseph Mwale, ndiye ari kupomerwa mhosva yekuponda vaviri ava. Nyaya iyi yakasvika kumatare, ayo akapa mutongo wekuti Mwale amiswe pamberi pematare achitongwa nemhosva yekuponda. Asi kusvika pari zvino, Mwari haasati asungwa.

Musangano uyu unonzi wakawiriranawo zvakare kuti vakashungurudza pamwe nekushungurudzwa vataurewo mativi enyaya dzavo, kana pachidiwa kuti pave nekupodzwa kwemaronda.

Mumwe wevanomirira MDC T muJOMIC, VaLovemore Kadenge, vanoti panofanirwa kutorwa matanho akasimba anobatsera vanhu, kwete kungoita misangano isina chinobuda.

Izvi zvinotambirwawo nemutungamiri weCentre for Community Development in Zimbabwe, VaPhilip Pasirayi, avo vanoti zvisungo zvemisangano yakadai zvinofanirwa kuzadziswa zvizere.

XS
SM
MD
LG