Accessibility links

Breaking News

African Union Yokurudzirwa Kutorera Zimbabwe Matanho Makuru


Masangano akazvimirira oga achitungamirwa neCrisis in Zimbabwe Coalition ayambira kuti muZimbabwe mungangodeuka ropa rakawanda gore rinouya kana kukaitwa sarudzo African Union isina kupindira.

Mashoko aya ataurwa kumusangano weAU uri kuitirwa muKampala, kuUganda.

Vatungamiri venyika dzemuAfrica vari kutarisirwa kutanga kusangana neMuvhuro kuti vazeye nyaya dzakaita serunyararo muAfrica, mhando dzemoto uye nyaya dzechikafu. Makurukota ezvekudyidzana nedzimwe nyika nemakurukota ezvemitemo akatotanga kusangana kuUganda.

Zanu-PF inoti iri kuda kuti paitwe sarudzo gore rinouya sezvo hurumende yemubatanidzwa isiri kushanda zvakanaka. MDC inodawo kuti sarudzo idzi dziitwe nenzira yakachena, uye mitemo yesarudzo yavandudzwa. Masangano akazvimirira atanga nekuita musangano neChishanu, uyo wapindwa nevamiriri vehurumende dzakawanda.

Masangano aya anoti AU neSADC hadzina zvakawanda zvadziri kuita kugadzirisa zvinhu muZimbabwe. Vati Zanu-PF iri kuregererwa ichiita madiro ajojina. VaArnold Tsunga ndivo mukuru weInternational Commission of Jurists mudunhu reAfrica. VaTsunga vanoti vatungamiri vemuAfrica havafanire kupeta maoko Zimbabwe ichitsva.

XS
SM
MD
LG