Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Inoti Mhirizhonga Yovhiringa Kunyorwa kweBumbiro reMitemo


Sangano reAmnesty International rayambira kuti nyaya yemhirizhonga inogona kukwira zvakanyanya zvekuti inogona kutokanganisa nyaya yekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo.

Izvi zvinotevera kurohwa, kupambwa nekusungwa kwevatsigiri veMDC nevamwe vari kuongorora hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro remitemo.

KuMashonaland East MDC inoti vatsigiri vayo vatatu vakapambwa nevesangano revasori ndokuzokandwa kujeri remuMarondera. Ukuwo kuMakonde vamwe vanoongorora sarudzo kubva kumasangano akazvimirira oga vanonzi vakarohwa zvakaipisisa nevatsigiri veZanu-PF.

Director weAmnesty International, VaErwin Van Borght, vanoti kutyisidzira vanhu uku kuchakanganisa zvikuru hurongwa kwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo.

VaSimeon Mawanza vanoshanda sachipangamazano cheAmnesty International muZimbabwe. VaMawanza vanoti zviri kuitwa zvinokanganisa chimiro chenyika.

XS
SM
MD
LG