Zimbabwe nemusi weChina iri kuparura gwaro rekutanga munhoroondo yenyika rinotarisa nyaya dzezvehupfumi.
Dare repamusoro soro reConstitutional Court nemusi weChitatu rawana muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vaine mhosva yekuzvidza matare eSupreme court ne High Court.
Mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti panoda mushandirapamwe munyika kuti mauto asabvumidzwe kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.
Mutungamiri webato rinopikisa reProgressive Democrats of Zimbabwe, Amai Barbra Nyagomo, vanoti vari kumboshandira vari kubritain pari zvino kuitira kuti vakwanise kutsvagira nhengo dzavo mari yekuti dzikwanise kukwikwidza pachaitwa sarudzo munyika.
VaMakoni vanoti zvave pachena kuti muZanu-PF hamuchina munhu ari kunyatsotungamira achibatanidza vanhu vose
Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reNCA, VaLovemore Madhuku, vanoti mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema hwovhiringidza hupfumi.
Vari kufanotungamira bato reRDZ VaElton Mangoma avo vaimbova gurukota rezvemhando dzemoto vanoti vanofanira kurumbidzwa nekufumura vatungamiri vehurumende vaitadza kubhadhara mari dzemagetsi.
Mutungamira webato rinopikisa reAfrican National Party, VaEgypt Dzinemunhenzva, vanoti vari kutarisira kuti musarudzo dzemuna 2018 vachakunda mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vanoti varikutonga nedemo izvo zvapa kuti nyika itatarike.
Vanhu vakawanda munyika vari kutenderana kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika zvakaita manyama amire nerongo zvopa kuti vakawanda vanonge svosve nemuromo.
Gurukota rinoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwawo, vazivisa neChishanu kuti Zimbabwe haisi kuzodududza pachirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema chinonzi nevamwe chapa kuti hupfumi hwenyika hugwadame.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muhupoteri kana kuti zviri kushanda kune dzimwe nyika nenyaya yemamiriro asina kunaka akaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi.
Mutungamiri webato reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti bato ravo richaongorora nyaya yekuti pane vamwe vechidiki vebato ravo vakanganisa kuvigwa kwemumiriri weNkulumane VaThamsanqa Mahlangu neMugovera.
Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vanonzi vakaita musangano nasachigaro webato ravo VaLovemore Moyo mushure mekuburitswa kwemashoko akasiyana panyaya yekuti sei vatungamiri vebato vakatadza kunoviga VaThamsanqa Mahlangu.
Mumiriri weNkulumane mudare reparamende VaThamsanqa Mahlangu avo vakashaya neMuvhuro vave kutarisira kuradzikwa muBulawayo neMugovera.
Zvinhu muZanu-PF zvinenge zvaramba zvakaita manyama amire nerongokunyangwe bato iri rakadzinga Amai Joyce Mujuru.
Mumwe murume wekuBindura, Mashonaland Central anova nhengo yeMDC-T VaJames Mawaya vakasungwa mukupera kwemwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekunyomba mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachinzi vakati “Mugabe akura haachakwanisa.
Ongororo yakaitwa nesangano reMass Public Opinion Institute kana kuti MPOI inoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndivo munhu wechipiri anechivimbo chevanhu vachitevera vafundisi.
Vamwe vagari kubva kuWard One neWard Two muguta reMasvingo vanonzi vakatoramba kupinda mumisangano yekuzeya bhajeti rekanzuru iri vachinzi vainyunyuta nekufambiswa kwemabasa nekanzuru iyi
Amai Clinton pamwe nemamwe masangano anopa rubatsiro ari pasi peUnited Nations vakashora mutungamiri wenyika vaVaRobert Mugabe nekushoropodza kwavakaita tsika yechingochani apo vakataura pamusangano weUnited Nations.
Sangano rinoongorora nyaya dzezvehutongo hwejekerere muAfrica re The Ibhrahim Index of African Govenance richitungamirwa neshoroma yekuSudan, VaMo Ibrahim rinoti zvinhu muZimbabwe zviri kuita zvichiita nani kubva muna 2011 kusvika parizvino munyaya dzezvekutongwa kwenyi
Rodhai zvimwe