Mumwe murume wekuBindura, Mashonaland Central anova nhengo yeMDC-T VaJames Mawaya vakasungwa mukupera kwemwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekunyomba mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachinzi vakati “Mugabe akura haachakwanisa.
Akapomera murume uyu mhosva ndemumwe kanzura weZanu-PF kuBindura anozivikanwa nekuti VaMasango. VaMasango vanotiwo VaMawaya vari kufurira vamwe vechidiki kuti vaite zvematongerwo enyika vachishora MDC-T.
Achembera, ndosaka akaverengwa wrong speech.” Asi VaMawaya vanoti vari kuzodzwa mafuta enguruve yavasina kudya. VaMawaya vanonzi vakagariswa mutirongo uye vanonzi vaibvunzurudzwa zvakanyanya.
VaMawaya vari kutongwa pasi pechikamu 33 chemutemo weCriminal Law Codification Reform Act. Kubva muna 2010 vanhu vanodarika zana vasungwa pasi pemutemo uyu.
Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti mutemo uyu unotyora kodzero dzevanhu uye raenda kumatare kakawanda kuti mutemo uyu ubviswe.
Gweta raVaMawaya VaErnest Jena vanova nhengo yeZHLR vanoti vanhu vakawanda muMashonaland Central vari kusungwa vachinzi vanenge vanyomba VaMugabe.