WASHINGTON —
Mutungamiri webato reMavambo Kusile Dawn, VaSimba Makoni, vanoti chapa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere inyaya yekushaya hutungamiri hune njere, uye kutadza kutevedzera gwara rezvehupfumi rinenge ratenderanwa.
VaMakoni, avo vakabuda mubato reZanu-PF, uye vaimbove gurukota rezvemari, vanoti vanoziva kuti bato reZanu-PF rinogara richirwisana asi vanoti ikozvino zvanyanya.
VaMakoni vanoti zvave pachena kuti muZanu-PF hamuchina munhu ari kunyatsotungamira achibatanidza vanhu vose.