Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanoti mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema uye huori muvatungamiri zvave kukonzera kuti vekunze vangadai vachiuya munyika kuzouchika mari dzavo vamire kuita izvi.
VaMadhuku vanoti izvi zviri kupa kuti vanhu vashaye mabasa sezvo pasina makambani matsva ari kuvhurwa.
Asi gurukota rinoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwawo, vanoti hapana kudzokera kumashure panyaya yechirongwa ichi.
Nekuona kuipa kwaita hupfumi, mamwe makurukota ehurumende akamboti hurumende yave kuvandudza mutemo uyu.
Asi vachitaura nevatori venhau svondo rapera, VaZhuwawo vakati mutemo uyu hausi kuzovandudzwa.
Mutemo uyu unoti vemakambani ekunze vanofanira kupa vatema vemunyika zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana. VaMadhuku vanoti hutungamiri huripo hweZanu-PF hwakundikana uye kwave kuda vamwe vane mazano matsva.
Vanoti hurumende iripo inokudza huori kwete kubatsira vanhu. VaMadhuku vanoti vacharamba vachipinda musarudzo dzose dziri kurambwa kupindwa nevamwe vanopikisa vachiti izvi zviri kuvapa mukana wekuti vazivikanwe sezvo bato ravo richiri idzva.
Mamwe mapato anoti haadi kupinda musarudzo kudzamara mitemo yasarudzi yavandudzwa.
Asi vebato reZanu-PF vanoti vanopikisa vanotya kukundwa musarudzo.