Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vanonzi vakaita musangano nemusi weMuvhuro nasachigaro webato ravo VaLovemore Moyo mushure mekuburitswa kwemashoko akasiyana panyaya yekuti sei vatungamiri vebato vakatadza kunoviga mumiriri weNkulumane mudare reparamende VaThamsanqa Mahlangu nemusi weMugovera.
Mutauriri weMDC VaObert Gutu vakaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti vatungamiri vebato vainge vatadza kunoviga VaMahlangu nenyaya yekunetsana kwemhuri yemushakabvu.
VaGutu vaudza Studio 7 kuti paikandiranwa makobvu nematete zvakapa kuti Standing Committee yebato ravo iite musangano muhotera yeHoliday Inn yaigara VaTsvangirai kuBulawayo vakatenderana kuti zvainge zvisingaite kuti vaenda kumarinda pamwe nehutungamiri hwebato ravo.
Asi VaMoyo vakaburitsa mashoko anopikisana naVaGutu vachiti zvainge zviri zvinhu zvinoshoresa zvikuru zvekuti vainge vakundikana kunoviga VaMahlangu.
Pavatungamiri vose, mumiriri weKuwadzana East VaNelson Chamisa ndivo chete vakakwanisa keunda kumarinda.
Bato reMDC rinonzi raitazve kunetsana kwakanyanya kunyangwe bato iri riri kupumha vatori venhau huroyi richiti ndivo vari kunyora manyepo.
Asi VaGutu vanoti havo vatungamiri vebato vachazoenda vose kunyaradzo yaVaMahlangu.