Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muhupoteri kana kuti zviri kushanda kune dzimwe nyika nenyaya yemamiriro asina kunaka akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi.
Hurumende yakavimbisa munguva yesarudzo muna 2013 kuti yaizovamba mabasa anosvika mamiriyoni maviri, asi izvi zvinenge zvakona n’anga murapwa achida.
Izvi ndozvapa kuti vakawanda vatsvake havo chouviri kunyika dzakapoteredza Zimbabwe dzakaita seBotswana neSouth Africa kunyanya.
Asi vamwe ndovari kumhiri kwemakungwa kunyika dzakaita seAmerica neBritian.
Studio 7 yakaita hurukuro nevamwe vakomana vechidiki vari kugara kuNew York muAmerica. Vaviri ava ndiVaStephen Vunganai naVaTakudzwa Magaya.
VaVunganai vanoti varikuita zvirongwa zvekubatsira vamwe vanoshaya kuZimbabwe.
VaMagaya vanoti kuva muAmerica kuri kuvavhurira mikana munyaya dzekuwedzera dzidzo.
Vana veZimbabwe vari kugara kune dzimwe nyika mukati memwedzi gumi neminomwe yapfuura vakaunza munyika mari inopfuura bhiriyoni imwe chete yemadhora. Izvi zviri kubatsira zvikuru kumutsiridza hupfumi hwenyika.