Mutungamiri webato reMovement for Democratic Change, MDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo richaongorora nyaya yekuti pane vamwe vechidiki vebato ravo vakanganisa kuvigwa kwemumiriri weNkulumane muparamende, VaThamsanqa Mahlangu, neMugovera.
Vachitaura kekutanga nezvenyaya iyi, VaTsvangirai vaudza Studio 7 kuti pane mashoko ekuti vamwe vakuru vemusangano vakatengera vechidiki doro kuti varwisane.
Asi VaTsvangirai vati chikuru chakaita kuti vasaenda kumarinda eLady Stanley kunoviga mufi inyaya yekuti paive nekunetsana kwakanyanya mumhuri.
Kunetsana uku kwakapa kuti VaMhlangu vachemerwe kudzimba nhatu.
Pakuvigwa kwavo dzimwe hama dzainge dzisipo. Kunze kwekunetsana kwemhuri, painge paine kukandirana makobvu nematete pakati pevechidiki veMDC vanobva kuNkulumane nekuLuveve.
Kuratidza kuti zvinhu zvakaita manyama amire merongo mubato iri, mutauriri webato, VaObert Gutu, vakaburitsa mashoko ekuti chikuru change chapa kuti VaTsvangirai nevamwe vakutu vebato vasaende kumarinda inyaya yekunetsana kwemhuri.
Asi sachigaro webato, VaLovemore Moyo, vakaburitsawo mashoko vachipikisana naVaGutu vachiti kusawirirana mubato kwainge kwapawo kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo.