Accessibility links

Breaking News

Muzukuru waVaMugabe Opika Kusadududza Munyaya dzeHupfumi hweNyika


Gurukota rinoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwawo, vazivisa neChishanu kuti Zimbabwe haisi kuzodududza pachirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema chinonzi nevamwe chapa kuti hupfumi hwenyika hugwadame.

VaZhuwawo vataura mashoko aya pamusangano wavakokera kuHarare International Conference Center, we national economic empowerment conference.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aVaZhuwawo anoratidza kuti mubato reZanu-PF hamuna kuwirirana zvachose pachirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemamwe makurukota akaita saVaMike Bimha vanooona nezvemabhizimisi, avo vakati chirongwa ichi chinogona kuvandudzwa.

Asi VaZhuwawo vazivisa vanhu kuti vari kuzoramba vakamira semusambangwena kuona kuti mutemo uyu wazadzikiswa.

Vati hapana angavapikise padanho ravari kutora sezvo vaine rutsigiro rwevatungamiri wenyika

VaZhuwawo vayambira vamwe mubato ravo kuti vasanyeperana nevachena kuti vanogona kuvandudza mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema.

Mashoko aya atsinhirwawo nevamwe vakaita segurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, avo vatiwo hapana kudzokera shure pachirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema.

VaKasukuwere vakambotungamira bazi iri. Asi vakawanda vanoti mabatiro avaiita basa ainge asina kujeka.

Vakasukuwere vati zvicherwa zvenyika hazvifanire kupihwa vachena.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru we Labour and Economic Research Institute of Zimbabwe,VaGodfrey Kanyenze, vanoti zvave kuitwa izvi zvichapa kuti hupfumi hutonyanya kuipa.

VaZhuwawo vatiwo vachaenderera mberi nechirongwa chekutora mitero kumakambani ose ekunze.

Mashoko aya anonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi achapa kuti basa regurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, riome zvakanyanya.

VaChinamasa vari kuenda kumasangano akaita se International Monetary Fund neWorld Bank vachinopemha mari uye kukumbira vemabhizimisi ekunze kuti vapinde munyika.

Vakawanda vemabhizimisi vekunze ava vange vachiti havawirirane nemutemo uyu, uyo unoti vape zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana zvehupfumi mumakambani avo kuvanhu vatema.

XS
SM
MD
LG