Zimbabwe nemusi weChina iri kuparura gwaro rekutanga munhoroondo yenyika rinotarisa nyaya dzezvehupfumi.
Gwaro iri rinonzi National Economic Competitiveness Assessment Report.
Gwaro iri riri kuparurwa nesangano reNational Economic Consultative Forum.
Sangano iri rinounza pamwe chete hurumende nevemabhizimisi. Asi rwendo rwuno hofisi yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, inonzi ndiyo iri kutungamira mabasa aya.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nemamiriro aita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi, VaMugabe nezvipangamazano zvavo vava kupindira muzvirongwa zvekugadzirisa hupfumi.
Mashoko aya akatsinhirwawo nasachigaro wekomiti yeZimbabwe Investment Authority, VaNigel Chanakira, avo vanoti vave kushandawo nehofisi yaVaMugabe mukuyedza kukwezva vemabhizimisi ekunze.
Vakatungamira mukunyora gwaro iri, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe mubazi re Graduate School of Management, Doctor Gift Mugano, vanoti gwaro iri rakakosha mukuvandudza hupfumi hwenyika nekukwezva vekunze.