National Parks inoti pane nzou gumi neimwe dzakaurayiwa nemuchetura wecyanide panzvimbo inonzi Number Nine neDeka Safari kuMatabelaland.
Vamwe vanhu vaviri vakakuvara nemusi weChitatu kuBudiriro muHarare uko kwaiputswa dzimba nekanzuru yeHarare.
Vamwe vatungamiri pamwe nesangano reAfrican Union Commission vanoenderera mberi nekukurudzira kuvandudzwa kwesangano reUnited Nation Security Council
NeChipiri mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vainge vachitarisirwa kupinda mumusangano une chekuita nehondo iri muDRC. Mune imwe nyaya mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama vakatungamira musangano wekurwisa vanopfurikidza mwero vachiti nyika dzibatane kurwisa, ISIL, Boko Haram neAl Shabab
United Nations yakabvumidzawo vechidiki kuti vapinde mune mimwe misangano gore rino
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe neMuvhuro vabvunza nyika yeAmerica kuti chii chaizvo chayakatadzirwa neZimbabwe.
Mutungamiri weAmerica VaBarack Obama nemutungamiri weRussia VaVladmir Putin vanopesana zvakanyanya pamusoro penyaya yeSyria
Vatungamiri venyika dzepasi rose neMugovera wapfuura vakatambira chirongwa chinonzi Sustainable Development Goals.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChishanu vakataura pamusangano weUnited Nations wechishanu muchikamu chechimakumi manomwe kana kuti 5th Plenary meeting, 70th Session, Sustainable Development Summit 2015.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaMorgan Tsvangirai neChina vakatanga rwendo rwemazuva mana kuMashonaland Central Province.
Mutevedze wameya weHarare VaThomas Muzuva vakashaya nemusi weChitatu kuchipatara cheWest End muHarare.
Mubato reZanu-PF mapinda zinyekenyeke zvichitevera mashoko ekuti vamwe vakuru vebato iri vari muchikwata chinonzi generation 40 kana kuti G40 vavekutumirwa mashoko ekuti vanogona kupfuudzwa pambozhanhare dzav
Nyaya yekumutsiridza hupfumi hwenyika uho hunonzi nevakawanda hwaenda kumawere inenge ichanyanya kunetsa mushure mekunge kambani yeZimbabwe Power Company yazivisa kuti magwenya ayo ose aderedza huwandu hwemagetsi avari kugaya.
Mukuru wechitendero cheRoman Catholic, Pope Francis vakasvika muAmerica nemusi Chipiri vachibva kuCuba.
Vaimbova mutauriri weZanu-PF VaRugare Gumbo vari kuyambira mapato eMDC maviri kuti kuda kuita nhaurirano neZanu-PF dzekuda kubatana kurovera hoko padehwe retsindi sezvo Zanu-PF isisina rutsigiro rwevanhu nenyaya yekutadza kutonga.
Mapato anopikisa reMDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai nerimwe rinotungamirwa naVaWelsman Ncube anoti ichokwadi kuti pane nhaurirano dziri kuitwa nemapato ose emunyika.
Zvinhu zvinenge zvaita manyama amire nerongo mubato richangoumbwa rePeople’s Democratic Party pachityirwa kuti vakasarudzwa kuvamutevedzeri wemunyori mukuru webato iri vatonga matutu avo vasiri kuwirirana nezvimwe zviri kuitwa mubato vangangobuda mubato.
Chikwata cheHighlanders icho chakadzinga murairidzi wacho Bongani Mafu, chakakunda kekutanga kubva zvaadzingwa basa.
Vakambove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, uye variwo nhengo yepolitburo mubato reZanu-PF VaSikhanyiso Ndlovu vakashaya neChipiri kuchipatara chMater Day kuBulawayo vaitwa gamba renyika.
Chikwata cheDynamos nemusi weChitatu chakarakasha chikwata cheWhahwa 5-1 mumutambo weCastle Premier Soccer League kunhandare yeRufaro.
Rodhai zvimwe