Musangano wepagore weUnited Nations General Assembly wavhurwa neMuvhuro muguta reNew York, mutungamiri weAmerica VaBarack Obama nemutungamiri weRussia VaVladmir Putin vachipesana zvakanyanya pamusoro penyaya yeSyria.
VaObama ndivo vatanga kutaura, vakati nyika dzose dzepasi rino dzinofanirwa kusiyana nenyaya yehondo nekusawirirana, dzotaurirana nenzira dzinopeda makakatanwa pasi rose.
“Kana tisingashandi pamwechete zvakasimba, ticharwadziwa nematambudziko atakatarisana nawo,” Vadaro VaObama. “Hazvinei kuti tine mauto akasimba zvakadii, hupfumi hwedu hwakasimba zvakadii, isu veUnited States tinonzwisisa kuti hatingagadzirise matambudziko epasi rino toga.”
Vashoropodzawo Russia nekubatsira kwayo hurumende yeSyria nemutungamiri wayo VaBashar al-Assad pamwe nekupindira mukutsemuka kweUkrain pachiumbwa Crimea, uye kuramba ichitsigira kwayo vari kupfurikidza mwero muUkraine.
Vatsinhira kuti zvirango zvakatemerwa Russia nenyika dzekumawirira zvakakodzera sezvo nekuti hapana nyika ingatarisa rutivi pakutorwa kweCrimea.
VaObama vati hapana mhinduro dziri nyore padambudziko riri muSyria, asi vati VaBashar al-Assad vanofanirwa kusave nechekuita muSyria itsva.
Vatiwo vakazvipira kushanda nenyika ipi neipi zvayo kubatsira mukugadzirisa dambudziko remuSyria, vakati VaAssad vane chekuita nekuumbwa kwechikwata cheIslamic State icho chiri kuedza kuvabvisa pachigaro.
Vachipindura mashoko aVaObama, mutungamiri weRussia VaPutin, avo vataura mangwanani akare, vayambira kuti inenge iri mhosho huru kwazvo kusashanda nehurumende yaVaAssad mukurwisa Islamic State iyo iri kuda kupidigura mutungamiri weSyria.
Vakurudzira kuti kuve nemubatanidzwa wekuvharira varwi veIslamic State, sezvakaitika mukubatana kwenyika dzakawanda kuramba kutambira Hitler, idzo dzakabatana munguva yehondo yepasi rose yechipiri.
Vati hapana chingatadzisa VaAssad kuve mumwe wenzira dzekugadzirisa matambudziko eSyria.
Vati kushandiswa kwechisimba nenyika dzekunze muMiddle East nekumaodzanyemba kweAfrica kwakonzera kuparadzwa kusina mature kwezvivakwa zvinokosha, panzvimbo yekuunza shanduko, uye kuvhurira mikana kuzviuru nezviuru zvezvevanopfurikidza mwero vari pasi peIslamic State.
“Tinofunga kuti imhosho huru kwazvo kuramba kushanda pamwe nehurumende yeSyria pamwe nemauto ayo, ayo ari kurwisana nehugandanga akatarisana mumaziso,” vadaro VaPutin, vachitsanangura nezvenjodzi dzinokonzerwa nezvizvarwa zvenyika dzemuEurope neRussia zvinenge zvapinda muchikwata cheIslamic State kana zvazodzokera kumisha kwazvo.
Vatungamiri vaviri ava vataura pamberi pemusangano wavo vari vaviri uyo wanga uchitarisirwa kuitwa mukudeuka kwezuva.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kutarisirwa kutaurawo kumusangano uyu.
Asi vanongorora zvematongerwo enyika vari sachigaro wesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development, ZIMCODD, VaJoy Mabenge vati havaoni VaMugabe vaine zvitsva zvavakangataura kumusangano uyu.
Vatiwo zvinotaurwa kumusangano uyu hazvina anozozvitevera izvo zvinozoita kuti ushaye basa.