Accessibility links

Breaking News

Bato raVaBiti Ropindwa naPongwe VaMatutu Vachiti Vanogona Kubuda


Finance Minister Tendai Biti
Finance Minister Tendai Biti

Zvinhu zvinenge zvaita manyama amire nerongo mubato richangoumbwa rePeople’s Democratic Party pachityirwa kuti vakasarudzwa kuvamutevedzeri wemunyori mukuru webato iri VaTongai Matutu avo vasiri kuwirirana nezvimwe zviri kuitwa mubato vangangobuda mubato.

Bato iri rakasarudza vaimbova munyori mukuru muMDC-T uye vakamboita gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti kuti vatungamire.

Asi mutauriri webato vaJacob Mafume vanoti zvekuti VaMatutu varikuda kubuda mubato ndezvemugotsi matsuro. VaMatutu mbune vaudza Studio 7 kuti havana kana kuenda kukongiresi yebato rePDP asi vakangosarudzwa kuve mumwe wevatungamiri.

Vanoti vainge vafuratidzwa moyo nemasarudzirwo aiitwa vatungamiri vebato iri.

Nyaya yaVaMatutu handiyo chete iri kunetsa mubato iri. Dunhu reManicaland rinoti harina kufara nekuti VaJulius Magaramombe vakatadza kuwana chigaro chekuva mumubati wehomwe vakangoita mutevedzeri.

VaBiti nevamwe vavo vakabuda mubato reMDC mushure mekukandirana makobvu nematete nemutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai nevamwe vakasara.

Hurukuro naVaTongai Matutu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG