Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri waMeya weHarare VaMuzuva Vanoshaya


VaThomas Muzuva
VaThomas Muzuva

Mutevedze wameya weHarare VaThomas Muzuva vakashaya nemusi weChitatu kuchipatara cheWest End muHarare. Vaive zvekare kanzura weKambuzuma.

VaMuzuva avo vaigara vachiita hurukuro neStudio 7 vange vachirwara nechirwere chegomarara.

Meya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni vanoti VaMuzuva vainge vari munhu akazvipira mukuita basa rake.

Hurukuro naVaBernard Manyenyeni
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumashoko avo kuvatori venhau, mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vati varwadziwa zvikuru nekushaya kwaVaMuzuva vachiti aive munhu akazvipira kushandira vagari vemuharare.

VaTsvangirai nevamnwe vakuru vebato reMDC vakaenda kunobata maoko kumba kwaVaMuzuva neChitatu manheru.

Vanhu parizvino vakaunga pamba pavo panumber 9031, Kambuzuma 5. VaMuzuva vasita mudzimai nevana vana.

XS
SM
MD
LG