Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vatungamiri Vokurudzira kuVandudzwa kweUN Security Council


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Musangano weUnited Nations General Assembly waenderera mberi muNew York, vamwe vatungamiri pamwe nesangano reAfrican Union Commission vachienderera mberi nekukurudzira kuvandudzwa kwesangano reUnited Nation Security Council.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe mumwe wevamwe vatungamiri vakataurawo nezvenyaya yekuti sangano iri rivandudzwe.

Zvimwe zvaitikawo kumusangano uyu kusimudzwa kekutanga kwemureza wenyika yePalestine.

Zvichakadaro, Zimbabwe yaiswa panyika gumi dzemuAfrica dzichapihwa rubatsiro nehomwe yemutungamiri wenyika yeAmerica yeUnited States President’s Emergency Plan for Aids Relief kana kuti PEPFAR.

Izvi zviri kuuya papera mazuva mashoma-shoma vatungamiri venyika dzepasi rino vatambira chirongwa cheSustainable Development Goals icho chakanangana nekupedza kupararira kwehutachiona mukati memakore gumi nemashanu.

Mumashoko aro kuvatori venhau, sangano reJoint United Nations Programme on HIV kana kuti UNaids rati ratambira chirongwa ichi nemufaro.

Mutungamiri wesangano iri, VaMichel Sidibe vati pasi pehutungamiri wemutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama, mari dzakadai dzichabatsira kuponesa vanhu vakawanda.

PEPFAR iri kubatsira madzimai pamwe nevana vadiki.

Dzimwe nyika dzichabatsirwawo pamwe neZimbabwe dzinoti Kenya, Lesotho, Malawi, Mozambique, South Africa, Swaziland, Uganda, the United Republic of Tanzania neZambia.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vadzokera kumusha vachinzi vane zvari kumhanyira, asi musangano uyu uchiri kuenderera mberi.

Mimwewo misangano iri kuitwa prutivi pemusangano mukuru uyu inosanganisira yekutarisa nyaya dzechikafu, uyo unonzi watungamirwa neboka reOCHA.

Panotarisirwawo kuitwa musangano uchazeyawo nyaya dzakanangana nemadzimai.

Gurukota rinoona nezvehutano Doctor David Parirenyatwa vanoti Zimbabwe iri kukumbira rubatsiro kubva kumasangano anosanganisira Global Fund neClinton Foundation, kuitira kuti ikwanise kubatsira vana vari kurarama nehutachiwana hwe HIV/AIDS asi vachitadza kuwana mapiritsi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG