WASHINGTON —
Chikwata cheHighlanders icho chakadzinga murairidzi wacho Bongani Mafu, chakakunda kekutanga kubva zvaadzingwa basa.
Highlanders yakakunda Flame Lily 1-0 kunhandare yeBarbourfields muBulawayo nemusi weChina.
Aka ndekekutanga murairidzi mutsva Amin Soma Phiri achibdurira kukunda mushure mekurohwa neHarare City 1-0 mumutambo wake wekutanga.
Mune mumwe mutambo, chikwata cheBufaloes chakakunda chikwata cheDongo Sawmills 1-0.
Zvichakadaro, murairidzi wechikwata cheHow Mine, Luke Masomere akasiya basa nemusi weChina achiti ainge hake akundikana kuti chikwata chake chikunde mumitambo yakawanda mwaka uno.
How Mine yakarohwa 3-1 nechikwata cheFC Platinum. Masomere anoti ave kumboti zororei zvishoma.