Mapato anopikisa reMDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai nerimwe rinotungamirwa naVaWelsman Ncube anoti ichokwadi kuti pane nhaurirano dziri kuitwa nemapato ose emunyika.
Bepanhau reNewsday rinoti mapato aya akasangana kuGhana nekuKenya kuti paitwe hurumende yemubatanidzwa. Asi mapato matatu aya anoti izvi ndezvemugotsi matsuro.
Mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vatsika madziro vachiti hakuna musangano wakadai wakaitwa. Vaudza Studio 7 kuti Zanu-PF haina chekutaura nevanopikisa.
Asi mutungamiri weMDC VaWelshman Ncube vaudza Studio 7 kuti nhaurirano idzi dzirikuitwa asi hadzinei nechekuita nekuumba hurumende yemubatanidzwa.
Muzvinafundo Ncube vati pane zvinhu zvinoda kugadziriswa nechimbichimbi zvakaita sebumbiro remitemo nemitemo yesarudzo.
Mashoko aVaNcube atsinhirwawo naVaObert Gutu mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai.
Kubva zvakabuda nyaya iyi, kukandirana makobvu nematete kunenge kwanyanya zvotyirwa kuti musangano wange wakarongwa kuitwa musi weChina, 24 Gunyana kuVictoria Falls unogona kutadza kuitwa.
Muna 2009, Zimbabwe yakaita hurumende yemubatanidzwa zvichitevera mhirizhonga inotyisa yakaitika muna 2008 musarudzo dzechipiri dze mutungamiri wenyika.
African Union neUnited Nations ndiwo masangano aiona kuti chibvumierano chemubatanidzwa chatevedzerwa here.
Muyananisi mukuru panyaya iyi akatanga ari vaimbove mutungamiri weSouth Africa VaThabo Mbeki vachizotorerwa naVaJacob Zuma avo vakavatsiva.