Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inotambira Hurongwa hweSustainable Development Goals


Doctor David Parirenyatwa
Doctor David Parirenyatwa

Vatungamiri venyika dzepasi rose vari kupinda musangano wechimakumi manomwe weUnited Nations General Assembly kuNew York, neMugovera wapfuura vakatambira chirongwa chinonzi Sustainable Development Goals, icho chakanangana nenyaya dzebudiriro, zvikuru sei munyika dzichiri kusimukira dzakaita seZimbabwe.

Chirongwa ichi, icho chiri kutsiva cheMillenium Development Goals ndechemakore gumi nemashanu uye chakanangana nekupedza nzara, kudzikisa kusiyana kwemikana pamwe nekuchengetedzwa kwezvakatikomberedza, mukati mezvinangwa gumi nezvinomwe zviri kuteverwa.

Gurukota rezvehutano, Doctor David Parirenyatwa vanoti Zimbabwe inotambira nemufaro chirongwa ichi, vachiti chinounganidza nyika dzose kuti dziise pfungwa pamwechete mukugadzirisa zvinhu zviri kunyanya kutambudza vanhu uye kuti vanga batsirikana sei.

Doctor Parirenyatwa vanoti chirongwa cheSustainable Development Goals chinotarisawo nyaya dzedzidzo, iyo inonzi nevamwe inofanirwa kupiwa pachena kubva pasi kusvika kumafomu.

Vanotiwo Zimbabwe ichaedza kuita zvose zvainokwanisa mukuzadzisa chirongwa ichi.

“Zimbabwe ichatsenga zvainogona kutsenga, chidimbu nechidimbu zvichifambirana neupfumi huri munyika,” vanodaro Doctor Parirenyatwa.

“Hapana nyika inokwanisa kuita zvose pamwechete, panguva imwechete.”

Vanotiwo vano bvumirana nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pakuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa nyika zviri kukanganisa kufambiswa kwezvirongwa zvinounza budiriro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG