Accessibility links

Breaking News

VaTomana Vobatwa neMhosva yeKuzvidza Matare


VaJohannes Tomana
VaJohannes Tomana

Dare repamusoro soro reConstitutional Court nemusi weChitatu rawana muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vaine mhosva yekuzvidza matare eSupreme Court ne High Court.

Dare iri rakatongera VaTomana kuti vakandwe mujeri kwemazuva makumi matatu.

Asi dare iri rakazosendeka mutongo uyu parutivi richipa VaTomana mazuva gumi ekuti vasazvidze dare zvekare.

Izvi zvinoreva kuti VaTomana vakazvidza zvakare zvavaudzwa nedare kuita, vanenge vokandwa mujeri kwemazuva makumi matatu.

VaTomana vange vachiramba kuchuchisa kana kutendera vamwe kuti vachuchuse nyaya mbiri dzanetsa munyika kwenguva yakareba.

Nyaya yekutanga ndeyekuchuchisa Amai Jane Mutasa yehuori hwavanonzi vakaita kuTelecel muna 2010 pamari inosvika miriyoni imwe chete nemazana manomwe ezviuru zvemadhora.

Nyaya yechipiri ndeye nhengo yedare reparamende yeZanu-PF inomirira Bikita West, VaMunyaradzi Kereke, yekuti vakabata mwana wehama yavo chibharo kumt pleasant mu Harare muna 2010

VaTomana vanzi vape mvumo magweta kuti achuchuse nyaya iyi kana kuti certificate of private prosecution.

Hatina kukwanisa kubata VaTomana sezvo vanzi vabva vasimuka vakananga kurussia kubasa rehurumende.

Asi gweta riri kumirira mwana anonzi akabatwa chibharo naVaKerere, VaCharles Warara, vati vatambira mutongo uyu nemufaro vachiti chidzidzo kuvakuru muhurumende kuti vasazvidze matare.

Hurukuro naVaCharles Warara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG