Zvinhu muZanu-PF zvinenge zvaramba zvakaita manyama amire nerongo mushure mekunge vamwe vakuru mubato iri vaburitswa muvhidhiyo iri mumaoko eStudio 7 vachiti vakadzingwa mubato mushure mekunge vabuda pachena kuti vanoda kuti mudzimai wemutungamiri wenyika amai Grace Mugabe vaite mutungamiri wenyika.
Vari muvhidiyo iyi vanoti izvi hazvisi kudiwa nevanonzi vari kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa.
VaMnangagwa vanosimbobuda vachiti havana chikwata chavanotungamira.
Asi vari muvhidhiyo iyi vanoti mumwe mumiriri wedare reparamende muZanu-PF anozivikanwa nekutsigira VaMnangagwa haasi kufara kuti amai Mugabe vatungamire nyika.
Vhidhiyo iyi yakaitwa neChina kuChimanimani kuManicaland uko amai Mugabe vakatenda kuti mubato ravo mapindwa napongwe. Studio 7 haisi kuburitsa vhidhiyo iyi parizvino sezvo tisina kukwanisa kutaura nevamwe varimo kuti tinzwe divi ravo.
Kuratidza kuti kunetsana kwanyanya mubato iri, gurukota rinoona nezvevarwi verusununguko VaChris Mutsvangwa vakaudzawo imwe nhepfenyuro yekuSouth Africa yeSouth Africa Channel ANN7TV kuti gurukota rezvedzidzo yepamusoro VaJonathan Moyo vakatiza kuhondo uye vari kukonzera nyonganyoga mubato.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaEarnest Mudzengi vanotungamira Media Centre vanoti kudzinga vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika amai Mujuru hakuna kupedza dambudziko rekunetsana muZanu-PF.
Ikozvino muZanu-PF mave nezvikwata zvakawanda zvinonzi zviri kunetsana kusanganisa chinonzi chinotsigira VaMnangagwa, chimwe chichinzi chinotungamirwa na VaSaviour Kasukuwere, chimwewo chichinzi chiri kutsigira Amai Mugabe.
VaMugabe mbune vanoramba kuti vadome achavatsiva vachiti izvi zviri mumaoko evatsigiri veZanu-PF.