Mutungamiri webato rinopikisa reProgressive Democrats of Zimbabwe, Amai Barbra Nyagomo, vanoti vari kumboshandira vari kubBritain pari zvino kuitira kuti vakwanise kutsvagira nhengo dzavo mari yekuti dzikwanise kukwikwidza panoitwa sarudzo munyika.
Asi vanoti vane hurongwa hwekuzodzokera kumusha kuti vanyotsopinde mundima yezvematongerwo enyika.
Bato rePDZ range richipindawo musarudzo dzema by-elections dzange dzichiitwa munyika.
Kunyangwe mamwe mapato makuru anopikisa akaita seMDC ange achiramba kupinda musarudzo idzi, Amai Nyagomo vanoti vange vachipinda kuti vakwanise kuona kuti zvinhu zvinofamba sei uye kugadzirira sarudzo huru dza 2018.
Vanoti vakasarudzwa kutungamira vachakurudzira kuti vanhu vazviitire mabasa avo emaoko kuti vawane chouviri.
Vanotiwo hurumende haina zvakawanda zvairi kuita mukugadzirisa hupfumi hwenyika.