Ongororo yakaitwa nesangano reMass Public Opinion Institute kana kuti MPOI inoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndivo munhu wechipiri anechivimbo chevanhu vachitevera vafundisi.
Mutungamiri wemMDC-T VaMorgan Tsvangirai vari pachidanho chechitatu vachiteverwa nevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika amai Joyce Mujuru, VaTendai Biti vePDP nevamwe.
Asi nekunyangwe vakawanda vati vanotsigira VaMugabe, vanhu zvikamu makumi matanhatu nemanomwe kubva muzana vanoti nyika yananga kumawere uye vanhu makumi mapfumbamwe kubva muzana vanoti vanotya kushoropodza VaMugabe.
Chipangamazano musangano re muMPOI VaStephen Ndoma vanoti vashoma zvikuru vanhu vanganzi vanotya kupindura mibvunzo zvekuti ongororo yavo inganzi haina kubuda zvakanaka.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti nyaya yemhirizhonga ndiyo inokanganisa nyaya yeongororo dzakadai.
Asi VaRuhanya vayambira vanopikisa kuti vagare vakaziva kuti vanofanira kushanda zvakasimba kuti vanhu veZimbabwe vave nechivimbo navo.