Accessibility links

Breaking News

VaMangoma Vanoti Vari Gurukota Vakafumura Makurukota Aisabhdhara Mari kuZESA


VaElton Mangoma
VaElton Mangoma

Vari kufanotungamira bato reRenewal Democrats of Zimbabwe, RDZ, VaElton Mangoma, vanoti vanofanira kurumbidzwa nekufumura vatungamiri vehurumende vaitadza kubhadhara mari dzemagetsi kuZESA kunyange hazvo kambani iyi ichidzimira vanhuwo zvavo vanenge vaine zvikwereti.

Bepanhau reDaily News rakaburitsa nyaya iyi muna 2012 richiti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, makurukota ehurumende nenhengo dzedare reparamende, vaisabhadhara mari dzemagetsi iyo yaisvika mamiriyoni nemamiriyoni emadhora.

Muna 2013 ZESA yakakanganwira vanhu zvikwereti asi gore rino bepanhau reZimbabwe Independent rakatiwo vatungamiri ava vainge vasiri kubhadhara zvekare magetsi kudzimba uye kumapurazi avo.

Asi zvinonzi VaMugabe nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vainge votanga kubhadhara.

VaMangoma, avo vaimbova gurukota rezvemhando dzemoto munguva yehurumende yemubatanidzwa, vari kutarisira kusarudzwa kutungamira RDZ pakongiresi yebato iri mukupera kwesvondo.

Vatsigiri veRDZ
Vatsigiri veRDZ

​VaMangoma vanoti vakasarudzwa kutungamira nyika vachaenderera mberi nekurwisa huori kuri kuyedza kugadzirisa hupfumi hwenyika hwaenda kumawere.

Vakawanda munyika vanotiwo mapato anopikisa anofanira kuti aite chirwirangwe chemakudo pakurwisana neZanu-PF musarudzo.

Asi VaMangoma vanoti havana chidokwa dokwa chekushanda nevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru. Vanoti Amai Mujuru vainge vakanyarara pavanoti paishungurudzwa vanopikisa apo vaive muZanu PF vasati vadzingwa.

VaMangoma vaiva mubati wehomwe muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vasati vabuda mubato iri vari muchikwata chaizviti MDC Renewal Team.

Vari kuMDC Renewal Team pakaita kunetsana pakati pavo nevamboive munyori mukuru mu MDC-T, VaTendai Biti, pamusoro pekuti ndiyani aizotungamira bato idzva ravaida kuumba vose.

Nepamusana pekunetsana uku, VaBiti vakaumba bato ravari kutungamira rePeople's Democratity Party, ukuwo VaMangoma ndokuumbawo RDZ.

Hurukuro naVaElton Mangoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG