Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, pamwe nemumiriri weZengeza West mudare re National Assembly, uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, vachisvitsa chikumbiro chekuti vapihwewo mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Dare ramejasitiriti remuHarare rarasa chikumbiro chemumiriri weZengeza West muparamende uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, chekuti nyaya yavari kupomerwa yekuburitsa manyepo nekukurudzira veruzhinji kuti vapandukire hurumende, iraswe.
Dare ramejasitiriti rinorasa chikumbiro chaVaJob Sikhala chekuti vasaiswe pa remand, mutongo waHopewell Chin’ono uchitarisirwa mangwana uye waMuzvare Mahere nemusi weChishanu panyaya imweyo. Vhidhiyo ina Thomas Chiripasi.
VaJob Sikhala, vebato reMDC Alliance vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yakafanana neiri kupomerwa Chin’ono pamwe nekunzi vakakurudzira veruzhinji kuti vapandukire hurumende kuburikidza nemashoko avanonzi vakanyora padandemutande ravo reTwitter.Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Rimwe remagweta raHopewell Chin’ono, VaHarrison Nkomo, vaudza dare kuti chikamu chemutemo chiri kushandiswa nehurumende kupomera Chin’ono mhosva chakanzi nedare repamusorosoro munyika reConstitutional Court hachizi pamutemo saka nokudaro Chin’ono haafanire kutombomiswa pamberi pedare.
Mapurisa neMuvhuro akasunga mutauriri webato rinopikisa reMDC Alliance Muzvare Fadzai Mahere richivapomera mhosva yekuda kukurudzira vanhu kuita mhirizhonga
Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Hopewell Chin’ono, akamiswa pamberi pedare ramejasitiriti nemusi weMugovera akasawaniswa mukana wekubvisa mari yechibatiso izvo zvapa kuti apedze wikendi ari mutirongo.
Mapato ezvematongerwo enyika emuZimbabwe ari kushora zvikuru mhirizhonga yakaitika paCapitol Hill muWashington DC, uye ari kukurudzira mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kuti vatambidzane masimba murunyararo naVaJoe Biden veDemocratic Party.
Vananyamukuta vepachipatara cheSally Mugabe icho chaimbonzi Harare Central Hospital vaswera vachiramba kupinda muchipatara kuti vabatsire madzimai akazvitakura vachiti havana mbatya dzekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid 19.
Mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro, vati vatatu ava vagare mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekusendeka parutivi mimwe mwedzi mitanhatu.
Hurumende neMuvhuro yakasvitsa chikumbiro kudare ramejasitiriti chekuti dare ripe mutongo wekuti meya weHarare vakambomiswa basa VaJacob Mafume, avo vari kupomerwa mhosva yekuita huori mukanzuru yeHarare vasabvumidzwe kubuda mujeri kusvika mhosva yavo yatongwa.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati sebato vari kushushikana zvikuru nekufa kwaVaEmmanuel Chimwanda, avo vanga vari munyori wezvekuchengetedzwa kwenyika.
Vachangobva kusarudzwa zvine mutauro kuve mutungamiri mutsva weMDCT, VaDouglas Mwonzora, vadoma nhengo itsva dzekomiti yepamusoro mubato ravo kusanganisira Muzvare Thokozani Khupe nevese vavakakunda musarudzo Yekongiresi yechimbichimbi yakaitwa neSvondo.
Mutauriri wechimwe chikwata cheMDCT, VaKhalipani Phugeni, vanoti komiti yepamusoro yebato ravo yabvumirana kusendeka parutivi zvakabuda pakongiresi yechimbichimbi yakasarudza VaDouglas Mwonzora semutungamiri mutsva webato.
VaDouglas Mwonzora vanoti vakasarudzwa zviri pachena kutsiva mushakabva Morgan Tsvangirai semutungamiri webato reMDCT pakongiresi yechimbichimbi yakaitwa nemusi weSvondo.
Kongiresi yechimbichimbi yeMDCT iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe yekutsvaga anotsiva mushakabvu VaMorgan Tsvangirai yatanga muHarare nhasi zvinhu zvsingafambe zvakanaka panyaya dzekuvhota.
Hurumende, kubudikidza neBroadcasting Authority of Zimbabwe, yakazivisa kuti yapa marezenisi kunhepfenyuro nhatu dzemumanharaunda dzinoti Nyangani Community Radio Trust, Ntepe-Manama Community Radio Trust pamwe neThe Mbembesi Development Trust.
Dare ramejasitiriti nhasi ranyima meya weHarare, VaJacob Mafume, mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekukanganisa mafambisirwo enyaya mumatare. Gweta raVaMafume, VaTonderai Bhatasara, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare. Vhidhiyo ina Thomas Chiripasi.
Dare ramejasitiriti ranyima meya weHarare, VaJacob Mafume, mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekukanganisa mafambisirwo enyaya mumatare.
Rodhai zvimwe