Accessibility links

Breaking News

Mutauriri weMDC Alliance Muzvare Fadzai Mahere Osungwa neMhosva Imwe Chete Yakapomerwa VaSikhala naChin'ono


Muzvare Fadzai Mahere
Muzvare Fadzai Mahere

Mapurisa neMuvhuro akasunga mutauriri webato rinopikisa reMDC Alliance Muzvare Fadzai Mahere richivapomera mhosva yekuda kukurudzira vanhu kuita mhirizhonga inova mhosva iri kupomerwa mutevedzeri wasachigaro webato iri VaJob Sikhala uye mutori wenhau Hopwell Chin’ono vachinzi vakagovera vhidhiyo yaiti pane mupurisa akarova mwana nemboma akafa iri kunzi nemapurisa handi yechokwadi.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights raburitsa mashoko paTwitter richiti Muzvare Mahere vakachengetwa pakamba yeHarare Central uye vapomerwa mhosva yekutyora chikamu chemutemo uri kunzi wakatyorwa naChin’ono naVaSikhala.

Asi magweta anoti mhosva yakadai yakatombonzi nedare inotyora bumbiro remitemo. VaSikhala naVaChin’ono vakamiswa pamberi pedare neMuvhuro.

Dare ramejasitiriti rakanzwa chikumbiro chekuti nyaya Chin’ono yekuburitsa manyepo iraswe ukuwo rimwe gweta rake uye Va Sikhala, vamiswawo pamberi pedare vachipomerwa mhosva imwe cheteyo.

Vachisvitsa chikumbiro ichi kudare, rimwe remagweta aChin’ono, VaHarrison Nkomo, vaudza dare kuti chikamu chemutemo chiri kushandiswa nehurumende kupomera Chin’ono mhosva chakanzi nedare repamusorosoro munyika reConstitutional Court hachizi pamutemo saka nokudaro Chin’ono haafanire kutombomiswa pamberi pedare.

Asi muchuchisi panyaya iyi, Amai Nancy Chandakaona, vaudza dare kuti kunyange hazvo dare repamusorosoro rakarasa chikamu 31 chemutemo we Criminal Law Codification and Reforms Act muna 2014 richiti hachina kunangana nebumbiro remutemo raivepo bumbiro idzva risati ratambirwa neveruzhinji muna 2013, kodzero dzekuti munhu ataure zvaanoda dzine padzinogumira pasi pemitemo iripo parizvino.

Mutongi wedare, VaLanzini Ncube, vambenge vati vachatura mutongo panyaya iyi neMuvhuro masikati asi vazoti magweta aChin’ono aenderere mberi neChipiri nekupa zvimwe zvikonzero zvekuti sei Chin’ono achiti nyaya yaari kupomerwa inofanira kuraswa.

VaNcube vaturawo mutongo wekuti Chin’ono apihwe magumbeze anodziya pamwe nemvura inopisa ari kujeri uko kwaari kugara pake ega senzira yekutevedzera zvakatarwa nesangano reWorld Health Organization kuti munhu anenge asangana nemunhu ane chirwere cheCovid 19 anofanira kkuzvibvisa kubva kuruzhinji sezvo achiti anogona kunge akabatira chirwere cheCovid 19 mushure mekusangana nevanhu vane chirwere ichi kuSouth Africa.

VaNkomo vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare. Zvichakadaro, VaSikhala, vamiswawo pamberi pedare vachipomerwa mhosva yakafanana neiri kupomerwa Chin’ono pamwe nekunzi vakakurudzira veruzhinji kuti vapandukire hurumende kuburikidza nemashoko avanonzi vakanyora padandemutande ravo reTwitter.

Gweta ravo, VaJeremiah Bhamu vasvitsa zvichemo kudare kuti VaSikhala vakagariswa mutirongo makambogariswa Chin’ono pakamba yemapurisa kunyange hazvo Chin’ono akaudza mapurisa kuti akange asangana nevanhu vaviri kuSouth Africa vakazowanikwa vaine chirwere cheCovid 19.

VaBamu vati izvi zvakaita kuti pave nemukana wekuti VaSikhala vabatire chirwere cheCovid 19 sezvo mutirongo umu musina kumwaiwa mushonga kubva pakabuda Chin’ono uyo anoti haasati aongororwa nanachiremba kuti ane chirwere cheCovid 19 here kana kuti kwete.

VaBamu vaudzawo dare kuti VaSikhala vari kushungurudzwa nehurumende nekuti nderimwe remagweta ari kumirira Chin’ono sezvo vakaenda kukamba yemapurisa pakasungwa Chin’ono vakabvunza mapurisa kuti akange achivatsvaga here kana kuti kwete mushure mekunge vanzwa runyerekupe rwekuti mapurisa aivatsvaga.

VaBamu vati mapurisa akati akanga asiri kutsvaga VaSikhala asi vakazoshamisika VaSikhala vave kusungwa neMugovera vachibuda mudare nenyaya yaChin’ono.

Asi mutongi wedare, VaNgoni Nduna, vati nyaya iyi idzoke kudare mangwana sezvo nguva yanga yapera. VaBamu vatenda kuti izvi ndizvo zvataurwa nemutongi.

VaSikhala pachavo vaudza Studio 7 vasati vapinda mudare kusungwa kwavo kunoratidza kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yakazvipira kusunga vose vanoipikisa.

Chin’ono naVaSikhala vakasungwa mushure mekunyora pamadandemutande avo eTwitter vachitsoropodza kurohwa kunonzi kwakaitwa mumwe mwana ane mwedzi mipfumbamwe nemboma nemumwe mupurisa akafa zvichitevera vhidhiyo yaitenderera paindaneti.

Asi mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vazoburitsa mashoko svondo rapera vachiti mwana uyu haana kufa kana kukuvara zvakazoita kuti mapurisa asunge Chin’ono naVaSikhala achiti vaburitsa zvinhu zvisiri zvechokwadi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG