Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inorasikirwa neGamba Munyaya dzeKuchengetedzwa kweNyika


Emmanuel Chiwanda
Emmanuel Chiwanda

Munyori anoona nezvekuchengetedzwa kwenyika muMDC Alliance, VaEmmanuel Chimwanda, vashaya.

VaChimwanda, avo vaimbove assistant commissioner muZimbabwe Republic Police husiku hwemusi weChishanu.

Ari kutaura akamirira mhuri yemufi, uye ari munin’ina wemufi, VaClifford Chimwanda vaudza Studio 7 kuti VaChimwanda vashaya mushure mekurwara kwenguva refu nechirwere cheitsvo.

VaChimwanda vati varasikirwa zvikuru semhuri vachiti mukoma wavo ndiye anga achitungamira mhuri kunyange anga ave mune zvematongerwo enyika.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati sebato vari kushushikana zvikuru nekufa kwaVaChimwanda.

VaHlatywayo vati chanyanya kuvarwadza ndechekuti VaChimwanda, avo vanove mumwe wevakambove muchipurisa kubuda pachena kupikisa hurumende yeZanu PF, vashaya munyika musati mave nehutongi hwejekerere uhwo hwavairwira.

VaChimwanda vakasiya basa muchipurisa vakapinda mune zvematongerwo enyika vakashanda zvikuru nevaimbova mutungamiri weMDC mushakabvu VaMorgan Tsvangirai.

Vakazodomwa nemutungamiri weMDC Alliance kuve munyori anoona nezvekuchengetedzeka munyika.

VaChimwanda, avo vakamboshanda mukomisheni inorwisana nehuori yeZimbabwe Anti Corruption, vanonyanyozivikanwa nekusunga kwavakaita vaimbove mutungamiri wesangano revakarwa hondo reZimbabwe National War Veterans Association, muchakabvu Chenjerai Hunzvi, avo vakanetsa nenyaya dzekukonzeresa mhirizhonga munguva yekutorwa kweminda kubva kuvachena nekurohwa nekuurayiwa kwakaitwa nhengo dzeMDC kuBikita muna 2000.

Panguva iyi VaChimwanda vaive assistant commissioner muchipurisa vachishandira mudunhu reMasvingo.

Mutauriri wemhuri yemushakabvu ati VaChimwanda vanonzi vakatarisirwa kuradzikwa kumusha kwavo kwaGutu nemusi weChina.

Vanhu vakaungana panhamba 25 Open Way kuSoutherton muno muHarare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG