Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoshoropodza Mhirizhonga Yakaitika paCapitol Hill neMusi weChitatu


Capitol Hill protests
Capitol Hill protests

Mapato ezvematongerwo enyika emuZimbabwe ari kushora zvikuru mhirizhonga yakaitika paCapitol Hill muWashington DC, uye ari kukurudzira mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kuti vatambidzane masimba murunyararo naVaJoe Biden veDemocratic Party.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti mhirizhonga yakakonzereswa naVaTrump paCapitol Hill chinhu chinoshoresa zvikuru panguva iyo America ichigara yakatsoropodza Zimbabwe nemafambisiro ainoita sarudzo.

Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe muMDC Alliance, Muzvare Gladys Hlatswayo, vashorawo mhirizhonga yekuAmerica iyi vachiti izvi zvapa mukana vatungamiri venyika dzisina hutongi hwejekerere pasi rose dzakaita seZimbabwe kuti vatsoropodze America vachikangamwa kugadzirisa zvinonetsa munyika idzi.

VaMugwadi vati nekuda kwezvakaitika kuparamende yeAmerica neChitatu, hurumende yeAmerica haichakwanise kuudza dzimwe nyika pasi rose nezvehutongi hwejekerere.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vatsinhirawo zvakataurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti America inofanirwa kubvisa zvirango zvayakatemera Zimbabwe zvichitevera mhirizhonga yakaitika kuWashington DC.

VaParadza vati kufa kwakaita vanhu vana kunokodzera kuti VaTrump vanotongwa kuInternational Criminal Court.

Zvichakadai, gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati kunyange hazvopakaita mhirizhonga kuCapitol Hill, mapurisa ekuAmerica haana kushandisa chisimba chakanyanya sezvinowanzoitwa muZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano rePlatform for Youth Development Initiative in Zimbabwe, VaClaris Madhuku, vatiwo hapana chakaipa pakuratidzira kwakaitwa kuAmerica nevatsigiri vaVaTrump kunyange hazvo kuratidzira uku kwakazopedzisira kwave nemhirizhonga.

VaMadhuku vati zvakaitika izvi hazvina chazvinonyanyochinja pachimiro cheAmerica kana zvichienzaniswa nenyika dzemuAfrica.

VaTrump vakazobvuma havo kuti vape matomhu kunaVaBiden, uye VaBiden vakatarisirwa kugadzwa musi waNdira 20 semutungamiri weAmerica wechimakumi mana nematanhatu mushure mekunge dare reCongress yekuAmerica ratsinhira kuti VaTrump vakakundwa naVaBiden musarudzo dzakaitwa muna Mbudzi 2020.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG