Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inopa Nhepfenyuro Nhatu dzeMatunhu Marezenisi


ZACROS
ZACROS

Mubatanidzwa hwenhepfenyuro dzemumanharaunda munyika weZimbabwe Association of Community Radio Stations, kana kuti Zacras, unoti uri kufara zvikuru kuti hurumende yakapa marezeresi kunhepfenyuro nhatu dzemunharaunda kana kuti community radio stations kunyange hazvo Zacras ichiti zvaitwa nehurumende izvi zvakafanana nekuisa donhwe remvura mugungwa.

Hurumende, kubudikidza neBroadcasting Authority of Zimbabwe, yakazivisa kuti yapa marezenisi kunhepfenyuro nhatu dzemumanharaunda dzinoti Nyangani Community Radio Trust, Ntepe-Manama Community Radio Trust pamwe neThe Mbembesi Development Trust.

Gwaro rakaburitswa neBAZ rinoti dzimwe nhepfenyuro nomwe dzemhando iyi dzichapihwa marezenisi mukutanga kwegore rinouya kuitira kuti dzisvike pagumi.

BAZ inoti panhepfenyuro nhatu dzakapihwa marezenisi hapana vamwe vaikwikwidza kuti vapihwewo marezenisi ichitiwo panzvimbo nomwe dzasara pane makwikwi saka nokudaro bazi rehurumende iri rinoti richiri kumboongorora kuti vanokodzera kupihwa marezenisi ndevapi.

Sachigaro weZacras, Muzvare Pelagia Kapuya, vaudza vatori venhau kuti vafara nekupihwa kwaitwa nhepfenyuro nhatu idzi marezenisi. Vati shuviro yavo ndeyekuti nharaunda imwe neimwe ive nenhepfenyuro yayo zvavanoti zvinoita kuti munyika muve nebudiriro.

Mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Marshall Bwanya, audzawo Studio 7 kuti kupihwa kwaitwa nhepfenyuro nhatu idzi marezenisi kuchaitawo kuti vamwe vatori venhau vanga vasina basa vawane pekubatabata vari sezvo pane vatori venhau vakawanda vari kupedza zvidzidzo zvavo zvekutora nhau munyika gore rega-rega asi vasina kwekunoshanda sezvo makambani enhau ari mashoma munyika.

Zvichakadai, mukuru wenhepfenyuro yeCommunity Radio Harare kana kuti CORAH, VaGift Mambipiri, vati mutemo unoona nezvekunyoreswa kwenhepfenyuro unofanira kuvandudzwa kuitira kuti vanenge vachida kuvamba nhepfenyuro dzavo vakwanise kunyoresa pavanodira kwete kumirira kukokwa nehurumende kuti vasvitse magwaro avo ekuti vanyorese.

VaMambipiri vati nhepfenyuro yavo yakagadzirira kutanga kutepfenyura kana nhasi chaiye asi havana kukokwa nehurumende kuti vasvitse magwaro avo ekunyoresa nhepfenyuro yavo.

Vaenderera mberi vachiti zvinonyadzisa kuti dzimwe nyika dzakavakidzana neZimbabwe dzakaita seSouth Africa, Zambia neMalawi dzine ma community radio akawanda asi Zimbabwe ine nhatu chete idzo dzakapihwa marezenisi nezuro.

ZACRAS yati kubudirira kwenhepfenyuro idzi kuchauya chete kana hurumende ikasaisa ruoko mukufambiswa kwebasa kunhepfenyuro idzi.

Danho ratorwa nehurumende iri rinoteverawo kupihwa rezenisi kweimwe nhepfenyuro yepaGreat Zimbabwe University yeGreat Zimbabwe Campus Radio munguva pfupi yadarika.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nhepfenyuro idzi dzinogona kunonoka kuenda pamhepo sezvo Transmedia isina mireza inofambisa mashoko kana kuti ma transmitter.

Hatina kukwanisa kutaura neveTransmedia kuti gadziriro yavo yasvika papi pari zvino uye munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati vari pazororo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG