Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau, Hopewell Chin'ono, Oramba Ari Muhusungwa


Hopewell Chin’ono
Hopewell Chin’ono

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Hopewell Chin’ono, akamiswa pamberi pedare ramejasitiriti nemusi weMugovera akasawaniswa mukana wekubvisa mari yechibatiso izvo zvapa kuti apedze wikendi ari mutirongo.

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Hopewell Chin’ono, akamiswa pamberi pedare ramejasitiriti nemusi weMugovera akasawaniswa mukana wekubvisa mari yechibatiso izvo zvapa kuti apedze wikendi ari mutirongo.

Chin’ono akasungwa nemusi weChishanu achipomerwa mhosva yekuburitsa manyepo anonzi nehurumende anosvibisa zita rayo.

Hurumende inoti Chin’ono akanyora mashoko asiri echokwadi padandemutande rake reTwitter.

Muchuchisi wenyaya iyi, Muzvare Faith Nyamutowa, vakaudza dare kuti Chin’ono akanyora padandemutande rake reTwitter kuti pane mupurisa akarova mwana nemboma akafa muHarare svondo rapera iye achiziva kuti mashoko aya haasi echokwadi.

Mashoko akaburitswa nemutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, mazuva mashoma adarika, anoti mwana uyu akanoongororwa nanachiremba mushure mekunge mapurisa apwanya mahwindo ekombi yevaiva nemwana uyu namai vake akati mwana uyu haana kufa kana kukuvara kunyange hazvo vhidhiyo yaitenderedzwa nevanhu pa indaneti yaiti mwana uyu akafa.

Chin’ono akaudza Studio 7 kuti ari kushungurudzwa nehurumende nekuti ari kuburitsa nyaya dzehuori.

Muzvare Nyamutowa vakati hurumende iri kupikisa kuti Chin’ono apihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti Chin’ono anogona kunge aine chirwere cheCovid-19 vachiti kumugarisa mujeri kunoita kuti veruzhinji vachengetedzeke kubva kuchirwere.

Izvi zvinotevera nhuna dzakasvitswa kudare nerimwe remagweta ake, VaHarrison Nkomo, avo vakati Chin’ono, uyo akange ari kuSouth Africa, akasangana nevanhu vaviri vaiva vaine chirwere cheCovid 19 uye akatozozviziva adzoka muZimbabwe.

VaNkomo vakati pakasungwa Chin’ono nemusi weChishanu akanga achitogara ari pake ega sezvakatarwa nesangano reWorld Health Organization kuti munhu anenge asangana nevanhu vane chirwere cheCovid 19 vanofanira kumbozvisasamura kuruzhinji kudzamara vaongororwa kuti vane chirwere ichi here kana kuti kwete kuitira kuti chirwere ichi chisapararire.

Chin’ono akati mapurisa akamusunga kunyange akavaudza kuti akanga achizvisasamura kuruzhinji.

Mutongi wedare, VaLanzini Ncube, vakati Chin’ono anogara muimba yake ega kujeri uye atakurwe nemotokari isina vamwe vasungwa kuenda kujeri kuitira kuti asatapurire vashandi vekumajeri chirwere cheCovid19 ndokunge aine chirwere ichi sezvo asati aongororwa nanachiremba.

VaNcube vakati Chin’ono agodzoka kudare neMuvhuro sezvo magweta ake audza dare kuti haasi kutoda kuti aiswe pa remand sezvo mhosva yaari kupomerwa isina kana gumbo rainomira naro.

Vakati nekuda kwenguva yakanga yapera, vakanga vasisakwanise kunzwa zvikonzero kubva kumagweta ake sezvo matare ari kukurumidza kuvhara achitevedzera mirawu yekuvharwa kwakaitwa nyika nekuda kwechirwere cheCovid 19.

Rimwe remagweta aChin’ono, VaPaidamoyo Saurombe, vakaudza Studio 7 kuti havasi kufara nezvakaturwa nedare kuti Chin’ono aendeswe kujeri asati aongororwa nanachiremba kuti ane chirwere cheCovid 19 here kana kuti kwete.

Nyaya iyi yakanonoka kutanga mudare mushure mekunge vachuchisi varamba kupinda mudare vachiti vanoda kutanga vapihwa zvipfeko zvekuzvidzivirira kuCovid 19 izvo zvakaita kuti pazounzwa mahovhorosi nema gloves akazouya akapfekwa nevachuchisi.

Chin’ono akambosungwa gore rapera akagara mujeri kwemazuva makumi mana nematanhatu asati apihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yaari kupomerwa yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati.

Akazosungwa zvakare achipomerwa mhosva yekuvhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare uye nyaya dzose dziri mbiri idzi dzichiri mumatare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG