Accessibility links

Breaking News

Vananyamukuta Voramwa Mabasa Vachiti Havana Zvikwanisiro


Zimbabwe midwives
Zimbabwe midwives

Vananyamukuta vepachipatara cheSally Mugabe Hospital vatanga kuramwa mabasa nhasi vachiti havana mbatya dzekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid 19.

Vananyamukuta vepachipatara cheSally Mugabe icho chaimbonzi Harare Central Hospital vaswera vachiramba kupinda muchipatara kuti vabatsire madzimai akazvitakura vachiti havana mbatya dzekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid 19.

Nhengo yekomiti yepamusoro yeZimbabwe Nurses Association uye vachishandira zvakare pachipatara ichi, VaSamson Gurupira, vaudza Studio7 kuti kuramwa mabasa kwaitwa navananyamukuta vepachipatara ichi kunouya mushure mekunge matironi wavo anzi afa mangwanani anhasi achifungidzirwa kuti afa nechirwere cheCovid 19.

Vamwe vashandi vemune zvimwe zvipatara zvakaita seParirenyatwa, Mpilo neChinhoyi hospital vatataura navo parunhare vati havasi kufarawo nekushomeka kwezvipfeko zvekuzvidzivirira asi vanga vari pabasa.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vati hurumende inofanira kuona kuti vashandi vemuzvipatara vawana zvikwanisiro zvinoita kuti vasabatwe nedenda reCovid 19 zvavatiwo zvinoderedza mukana wekutapuriranwa kwechirwere ichi.

Vaenderera mberi vachiti kana homwe yehurumende yakabooka, hurumende inofanira kutambanudza mawoko ayo yopemha kune dzimwe nyika nemamwe masangano kuti ibatsirwe.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvehutano, VaJohn Mangwiro, vaudza Studio 7 parunhare kuti vachaongorora dambudziko ravananyamukuta ava nekukasika voona matanho ekutora.

VaMangwiro vakaudzawo vatori venhau nezuro manheru kuti hurumende yaisa parutivi mari inoita mabhiriyoni manomwe emadhora ari maRTGS ichashandiswa mukutenga mbatya dzekuti vashandi vemuzvipatara vazvidzivirire pavanenge vari pabasa pamwe nekupinza basa vamwe vashandi muzvipatara sezvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere

cheCovid 19 huri kuramba huchikwira munyika izvo zvakaita kuti nyika yose ivharwe zvakare kwemazuva makumi matatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG