Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanozivisa Veruzhinji Nhengo dzeNational Standing Committee Yavo


MDC-T Mwonzora and Komichi.jpg
MDC-T Mwonzora and Komichi.jpg

Vachangobva kusarudzwa zvine mutauro kuve mutungamiri mutsva weMDCT, VaDouglas Mwonzora, vadoma nhengo itsva dzekomiti yepamusoro mubato ravo kusanganisira Muzvare Thokozani Khupe nevese vavakakunda musarudzo Yekongiresi yechimbichimbi yakaitwa neSvondo.

VaMwonzora vazivisa kuti Muzvare Khupe vacharamba vari mutevedzeri wemutungamiriwebato wekutanga sezvo vakasarudzwa pakongiresi yemuna 2014. Vazivisawo kuti VaElias Mudzuri ndivo vachange vari mutevedzeri wavo wechipiri vachiti kana ivo VaMwonzora vasipo, Muzvare Khupe ndivo vanofanobata matomhu emutungamiri webato.

Vati izvi zvinotevera mutongi wedare repamusoro uyo wakati kudomwa kwakaitwa VaNelson Chamisa naVaMudzuri kuti vave vatevedzeri vaVaMorgan Tsvangirai kuti vave vatevedzeri vaivo VaTsvangirai vachiri vapenyu, kwaive kusiri pamutemo webato iri.

VaMwonzora vati vaona zvakakodzera kuti vatore danho iri vachiti vanoziva kukosha kwaVaMudzuri vakatarisa mabatiro avanoita basa kubva VaTsvangirai vachiri vapenyu kusvika pari zvino kunyange hazvo VaMudzuri, Muzvare Khupe naVaMorgan Komichi vakavakunda pakongiresi neSvondo iyo inonzi nevatatu ava haina kufambiswa zvakanaka.

Mamwe magweta atataura nawo ati kudomwa kwaVaMudzuri semutevedzeri waVaMwonzora wechipiri kuri kunze kwebumbiro remitemo sezvo mubumbiro iri mune chinzvimbo chimwe chete chemutevedzeri wemutungamiri webato.

Vamwe vati bumbiro reMDC rakavandudzwa kakawanda saka hazvisi kunyatsozivikanwa kuti zvaitwa izvi zviri pamutemo here kana kuti kwete kunyange hazvo dare reSupreme Court rakati zvakaitwa naVaTsvangirai vachiri vapenyu zvaive kunze kwemutemo.

Asi VaMwonzora vati zvavaita izvi vachazvisvitsa kukomiti ye national council kuti vapihwe mvumo yekuenderera mberi nekudoma VaMudzuri semumwe wevatevedzeri vavo.

Vatiwo Muzvare Khupe vagara vari munhu akasarudzwa nekongiresi kuve mutevedzeri wemutungamiri webato saka nokudaro pana Muzvare Khupe hapana dambudziko.

VaMwonzora, avo vanga vakatarisirwa kusangana naVaKomichi mukupera kwezuva ranhasi, vati vati chasara ndechekuti Muzvare Khupe, VaMudzuri naVaKomichi vataure pavamire nenyaya yezvigaro izvi.

Hatina kukwanisa kutaura nevatatu ava kunyange hazvo VaMudzuri vakaudza Studio 7 neMuvhuro kuti vanofanira kugara pasi sevatungamiri vebato kuti vazeye mafambisirwo akaitwa kongiresi yavo.

Zvichitevera kusarudzwa kwavakaitwa neSvondo, VaMwonzora vaudza vatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House kuti vakazvipira kuita nhaurirano nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, Zanu PF nemamwe mapato panyaya dzinobata mararamiro everuzhinji munyika.

Panyaya yekupinda munhaurirano dzePolitical Actors Dialogue, kana kuti Polad, idzo dziri kutungamirwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, VaMwonzora vati vachapihwa gwara nekomiti yebato ravo yeNational Council sezvo nyaya iyi isina kuzokwanisa kutaurika pakongiresi yebato ravo kuburikidza nekusanzwisisana kwakange kwavepo nevavaikwikwidzana navo.

Hatina kukwanisa kutaura nevakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa, sezvo vanga vachiti vakabatikana nemusangano wekomiti yebato ravo yeCentral Committee ukuwo nharembozha yemukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, yanga isiri kupinda.

Asi VaMugwadi vakamboudza Studio 7 kuti vese vanoda zvenhaurirano vanofanira kuuya kuPolad.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vaudza Studio 7 kuti sebato havana nguva yekutaurirana neMDCT yaVaMwonzora.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vati chinhu chinonakira mapoka eMDC aya kuti ataurirane asi izvi zvinogona kunetsa sezvo mapoka ese aya arikuda masimba.

Zvichakadai, gweta reMDCT iro ranga richimirira nyaya dzaMuzvare Khupe kumatare, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vati VaMwonzora vacharamba vari mutungamiri webato kudzamara izvi zvikashandurwa nematare ndokunge pane akwidza nyaya iyi kumatare.

Mashoko aVaMadhuku aya anotevera kukumbirwa kwavakaitwa nehutungamiri hweMDCT kuti vaongorore segweta mafambisirwo akaitwa kongiresi yebato iri.

Rimwe gweta zvekare avo vakambove mutevedzeri waMuzvare Khupe, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 vari kuAmerica kuti pasi pebumbiro reMDCT kana pachiitwa sarudzo mumwe anenge achikwikwidza haana simba rekudzivisa zvimwe zvinhu kuti zviitwe kunze kwebhodhi rinenge richitungamira sarudzo.

VaMwonzora vati chitima hachisi kuzomirira asipo vachiti patove nevamwe vavasina kudoma nemazuva vari kuMDC Alliance vatoratidza kuti vari kuda kudzoka kubato ravo kuti vashande pamwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG