Accessibility links

Breaking News

VaSikhala, Muzvare Mahere naChin'ono Voramba Vari Mutirongo


Hopewell Chin’ono In Court Jan 12

Dare ramejasitiriti remuHarare rarasa chikumbiro chemumiriri weZengeza West muparamende uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, chekuti nyaya yavari kupomerwa yekuburitsa manyepo nekukurudzira veruzhinji kuti vapandukire hurumende, iraswe.

Ukuwo mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, pamwe nemutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, vanzi mitongo pazvikumbiro ichaziviswawo svondo rino.

Mutongi wedare, VaNgoni Nduna, varasa chikumbiro chaVaSikhala chekuti nyaya yavari kupomerwa iraswe sezvo vachiti chikamu chemutemo chavari kunzi vakatyora chakabviswa mumagwaro emitemo yenyika nedare repamusorosoro munyika reConstitutional Court.

Asi VaNduna vati chikamu 31 chemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act chakavandudzwa neAmendment 3 yakaitwa muna 2016 saka nokudaro zvinotaurwa nechikamu ichi zvichiri pamutemo.

VaNduna vati VaSikhala vanofanira kuiswa muhusungwa kuitira kuti vagozotongwa nemhosva yavari kupomera.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaPaidamoyo Saurombe, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare.

Zvichitevera mutongo uyu, VaSikhala vari kutarisirwa kudzoka kudare mangwana, Chitatu, pavakatarisirwa kusvitsa chikumbiro chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Mune imwe nyaya yakafanana neVaSikhala, mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, avo vakasungwa neMuvhuro, vamiswa zvakare pamberi pedare vachipomerwa mhosva yakafanana neya VaSikhala.

Magweta aMuzvare Mahere asvitsawo kudare nyaya imwecheteyo yekuti mutemo uri kushandiswa nehurumende wakabviswa mumagwaro emitemo yenyika pamwe nekusabatwa zvakanaka kwavanoti kwakaitwa Muzvare Mahere vari muhusungwa kunosanganisira kusanganiswa nevamwe vasungwa pasingatevedzerwi zviga zvakatarwa nesangano reWorld Health Organization kuti zvitevedzerwe senzira yekuderedza mukana wekutapuriranwa kwechirwere cheCovid 19.

Mutongi wedare panyaya iyi, VaTranos Utahwashe, vati vachatura mutongo wavo panyaya iyi neChishanu izvo zvatsinhirwa nerimwe remagweta aMuzvare Mahere, VaTinashe Chinopukutwa.

Zvichakadai, mutori wenhau Hopewell Chin’ono, uyo asvitsawo zvikonzero zvakafanana nezvaVaSikhala naMuzvare Mahere, akatarisirwawo kupihwa mutongo wake mangwana, Chitatu panyaya yaari kupomerwa yekuburitsa manyepo.

Rimwe remagweta ake, VaHarrison Nkomo, vaudza mutongi wedare panyaya iyi, VaLanzini Ncube, kuti vanochengeta vasungwa vaunza Chin’ono kudare aine vamwe vasungwa makumi maviri kunyange hazvo dare rakati Chin’ono asasanganiswe nevamwe vasungwa agare pake ega sezvo achiti pane mukana wekuti anogona kunge akabatira chirwere cheCovid 19 mushure mekumbosangana nevanhu vaviri kuSouth Africa avo vakazowanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuongororwa iye adzoka kuZimbabwe.

Vatatu ava vari kupomerwa mhosva yekuti vakaburitsa mashoko pamadandemutande avo eFacebook neTwitter vachiti pane mwana ane mwedzi mipfumbamwe akarohwa nemboma nemumwe mupurisa muHarare akafa mushure mevhidhiyo yakatenderedzwa nevanhu vakawanda paindaneti.

Asi mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vakazoburitsa mashoko ekuti mwana uyu haana kufa, haana kurohwa uye haana kukuvara zvakazoita kuti vatatu ava vasungwe.

Vatatu ava vanoti vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG