Mapurisa anoti pane vanhu vanoda kusvika makumi mashanu vakakuvara kuBulawayo nezuro pamusangano wakaitwa nemutungamiri wenyika nevatsigiri apo pakaputika bhambu.
Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, vapona nepaburi retsono zvichitevera kupitika kwaitika pavanga vachiitira musangano wavo kuWhite City stadium muBulawayo
Komisheni inoona nezvesarudzo nhasi yazivisa makambani achadhinda mapepa ekuvhotesa pamusangano wayaita nevemapato ari kukwikwidza musarudzo dzegore rino uyo wavhiringidzwa nerimwe remapato aya.
Masangano maviri ekunze aisa vaongorori vesarudzo munyika yose achiti zvakakosha kuongorora mafambisirwo achaitwa sarudzo dzemuZimbabwe kubva panguva ino apo mapato ezvematongerwo enyika ari kutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzemwedzi unouya.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Econimic Development Research Institute in Zimbabwe, Amai Naome Chakanya, vati chinokonzera kudaro inyaya yekuti madzimai ndiwo anonyanya kushungurudzwa nezvematongerwo enyika.
Masoja akarwisana nevanotengesa mumigwagwa yemuHarare nezuro zvakasiya zvaita kuti mamwe emasoja aya pamwe nevanotengesa mumigwagwa vakuvare.
Vachitaura nevatori venhau muHarare neChishanu, sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba, vati gwaro revavhoti ravepo vachiti vanoda gwaro iri vanokwanisa kuriwana kumahofisi avo nemari shomanana.
VaKasukuwere ndevamwe vemakurukota ehurumende akatiza munyika pakaitwa chirongwa che Operation Restore Legacy nemasoja achitungamirwa nemukuru wawo panguva iyi, VaConstantino Chiwenga, avo vakazoitwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika mushure mekunge VaMugabe vapidigurwa pachigaro.
Dare repamusoro nhasi ratura mutongo wekuti nyaya yekutengwa kwebepa rinogadziriswa gwaro rekuvhotera pamwe ne ink ichashandiswa pakuvhota musarudzo dzemwedzi unouya inzwikwe nechimbichimbi.
Dare repamusoro nezuro rakarasa mutongo wakatongerwa mutungamiri wesangano reInternational Socialist Organization, VaMunyaradzi Gwisai, nevamwe vavo vashanu avo vakange vabatwa nemhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Mutungamiri weMDC-T uye vari mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vadoma chipanga mazano munyaya dzematongerwo enyika paHuddersfield University kuBritain, VaNkululeko Sibanda, semutauriri wavo mutsva.
Dare raenda kunoona kupfurwa kunonzi kwakaitwa pamba paVaKasukuwere panguya yeOperation Restore Order
Vachitaura nevatsigiri veZanu PF pamusangano waitirwa paChinzanga Primary School kuno kwaMutoko neMugovera, VaMnangagwa vati nhengo dzebato ravo dziri kukwikwidza musarudzo dzeparamende dzinofanira kushanda pamwe chete nemadzishe mukutsvaga rutsigiro kuitira kuti Zanu PF igokunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.
Masangano ekunze maviri anoti reInternational Republican Institute nereNational Democratic Institute anoti hurumende yeZimbabwe iri kuita gadziriro yesarudzo kunyange hazvo masangano aya achiti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuti sarudzo dzegore rino dzive sarudzo dziri pachena.
Masangano ekunze kwenyika anoongorora sarudzo aita musangano nevatori venhau muHarare achizivisa nezvaakaona pamwe nezvinofanirwa kugadziriswa neZimbabwe Electoral Commission sarudzo dzisati dzaitwa.
Mamwe emasangano anoshanda akazvimirira anoti sarudzo dzemwedzi unouya isarudzo dziri kuitwa zvisiri pachena sezvo mapato ezvematongerwo enyika ari kupinda musarudzo idzi asina gwaro revavhoti sezvinodiwa pamutemo uye vari muchiuto vachiita madiro aJojina mukomisheni inoona nezvesarudzo.
Vanhu vachinamata pamberi pekuparurwa kwegwaro reMDC Alliance rarinoti richashandisa mukugadzirisa zvinhu kana VaNelson Chamisa vakasarudzwa semutungamiri wenyika.
Vatungamiri veMDC Alliance vanoti bye bye kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi, vachiti ndizvo zvichaitika mushure mesarudzo
Vanhu vachiita masirogani vasati vaparura manifesito yeMDC Alliance
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti hurongwa hwavo hwavaparura munongedzo wegwara revechidiki vanofanirwa kugadzirisa hupfumi hwenyika.
Rodhai zvimwe