Accessibility links

Breaking News

Kambani yeHurumende yeFidelity Printers Ndiyo Ichadhinda "Ballot Papers"


Muzinda weZimbabwe Electoral Commission

Komisheni inoona nezvesarudzo yazivisa makambani achadhinda mapepa ekuvhotesa pamusangano wayaita nevemapato ari kukwikwidza musarudzo dzegore rino.

Vachitaura pamusangano uyu, imwe nhengo yeZimbabwe Electoral Commission, Zec, VaQubani Moyo, vati mapepa ekuvhotesa achadhindwa nemakambani maviri emuno anoti Fidelity Printers nePrintflow.

Fidelity ndiyo ichadhinda magwaro ekuvhotera mutungamiri wenyika, uye ekuvhotera nhengo dzedare reparamende.

Printflow ichadhinda mapepa ekuvhotera makanzura. Makambani maviri aya ndeehurumende.

VaMoyo vatiwo mapato achabvumidzwa kuona kudhindwa kunenge kuchiitwa mapepa aya.

Mashoko eZec aya atambirwa nevari kumirira MDC Alliance musarudzo yemutungamiri wenyika, VaNelson Chamisa, VaJameson Timba.

Asi munyori mukuru muMDC-T inoutngamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaNixon Nyikadzino, vati kunyange hazvo Zec yazivisa kuchadhindwa mapepa ekuvhotesa aya, nyaya iyi haiperere ipapa sezvo vachiti pane zvimwe zvinoda kugadziriswa.

Mapato aya paapihwa mukana wekubvunza mibvunzo maererano nekomiti yanga ichida kuumbwa neZec pakati pevanhu vari mumapato ari kukwikwidza musarudzo ichange ichitarisa nhuna dzinenge dzichibva mumapato pamberi pesarudzo, ye Multi-party Liason Committee, imwe nhengo yebato reFreedom Movement #1980 Chinhu Chedu, VaFrancis Danha, vakonzera zhowe zhowe vachiti sachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, nevose vari mukomsheni yavo vanofanira kusiya basa.

VaDanha vati Amai Chigumba nevamwe vavo vakatadza kufambisa basa zvakanaka pavakatadza kupa mapato ezvematongerwo gwaro revavhoti pamberi pekugara kwakaita dare raitambira mazita evachakwikwidza musarudzo svondo rapera.

VaDanha vati kutadza kuwana gwaro revavhoti kwakakonzera kuti nhengo dzebato ravo zhinji dzitadze kukwikwidza musarudzo vachiti havachavimbi kuti Zec ichakwanisa kufambisa sarudzo munyika.

Zvaitwa naVaDanha, avo varambidza VaMoyo nechikwata chavanga vachifamba nacho kuenderera mberi nekutaura kudzamara Amai Chigumba vasiya basa, zvabva zvakaonzera kuti musangano uyu utadze kuenderera mberi uye komiti yanga ichida kuumbwa iyi itadze kuumbwa.

Vanga vakamirira Zanu PF pamusangano uyu, VaFortune Chasi, vashora zvaitwa naVaDanha.

Asi VaTimba vatiwo zvaitwa naVaDanha zvinoburitsa pachena kurwadziwa kwemapato anopkisa nemafambisirwo ari kuitwa basa neZec

Zvichakadai, VaMoyo vati komisheni yavo ichazoshevedzera mumwe musangano kana vagadzirisa nyaya dzekuchengetedzeka kwevanhu nemapurisa kuitira kuti misangano isakanganiswe sezvaitwa naVaDanha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG