Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Pane Vanhu Vari Kuda Kuvauraya


Zimbabwe Explosion

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, vapona nepaburi retsono zvichitevera kupitika kwaitika pavanga vachiitira musangano wavo kuWhite City stadium muBulawayo.

Kuputika uku kwaitika apo VaMnangagwa vanga vobva pasiteji vapedza kutaura. VaMnangagwa havana kukuvara.

Asi mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, pamwe nemudzimai wemutuvedzeri wemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, Amai Mary Chiwenga, vakuvara muchiitiko icho.

VaChiwenga vanonzi vakuvarawo kumeso.

Vamwe vanonzi vakuvara vanosanganisira sachigaro weZanu PF, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, murongi wemisangano muZanu PF, VaEngelbert Rugeje, nevamwe vakuru vakuru muhurumende.

Vanhu vangangosvika gumi vanonzi vakuvara muchiitiko ichi. Vanhu ava vanosanganisirawo vashandi vanochengetedza mutungamiri wenyika vanosvika vana.

bomb explosion
bomb explosion

Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vati ichokwadi kuti VaMnangagwa havana kukuvara muchiitiko ichi uye vabva paWhite City vachimhanyiswa kuState House yemuBulawayo kwavanochengetedzwa.

VaCharamba vati vanochengetedza nyika pamwe nemapurisa vave mubishi rekuferefeta kuti chii chakonzera kuputika kwavari kufungidzira kuti ibhambu kunyange hazvo mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaCharamba vati VaMnangagwa vamhanya kuchipatara cheMater Dei chiri muBulawayo uko kunonzi kwaendeswa VaMohadi pamwe naAmai Chiwenga.

President Mnangagwa Visits Mary Chiwenga In Hospital
President Mnangagwa Visits Mary Chiwenga In Hospital

VaCharamba, avo vanga vava kupinda mundege, vati VaMohadi vakuvara gumbo asi hatina kunzwa kuti Amai Chiwenga vakuvara pai uye kuti murume wavo akuvarawo here kana kuti kwete.

VaMnangagwa vaudza nhepfenyuro yeZBC kuti sachigaro webato ravo, Amai Kashiri, pamwe nemutevedzeri wemutauriri wedare reparemende, Amai Mabel Chinomona, ndevamwe vevakuvara.

Vatiwo pane vanhu vari kuda kuvauraya vasiri vemuBulawayo vavati vanhu vanobva kunze kweBulawayo vakaronga izvi.

VaMngangwa vakamboenda kuSouth Africa kunorapwa mushure mekupihwa chepfu pamusangano wakaitwa nevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuGwanda gore rapera.

Kunyange hazvo izvi zvaitika, VaMnangagwa vati vacharamba vachienderera mberi nekutsvaga rutsigiro vachiti chiitiko chanhasi hachisi kuvatyisa uye vati kubva pakatanga vemapato kutsvaga rutsigiro, munyika manga mune runyararo.

Muzinda weAmerica muHarare washoropodza zvikuru chiitiko ichi. Muzinda uyu wati mhirizhonga dzemhando yose hadzitambirwe. America yati iri kurangarira vose vakuvara muchiitiko ichi

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG