Mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaudza vatsigiri vavo kwaMutoko kuti madzishe anofanira kushanda nebato ravo pamberi pesarudzo dzemwedzi unouya kunyange hazvo matare akatura mutongo wekuti madzishe haafanire kuve nedivi raanorerekera.
Vachitaura nevatsigiri veZanu PF pamusangano waitirwa paChinzanga Primary School kuno kwaMutoko neMugovera, VaMnangagwa vati nhengo dzebato ravo dziri kukwikwidza musarudzo dzeparamende dzinofanira kushanda pamwe chete nemadzishe mukutsvaga rutsigiro kuitira kuti Zanu PF igokunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.
Mumwe wemadzishe anga ari pamusangano uyu, VaEdward Nyamukapa, vati vachashandawo nebato reZanu PF vachiti vafara zvikuru kuti VaMnangagwa vari kuvaona sevanhu vakakosha.
Izvi zvinopesana nemutongo wakaturwa nedare repamusoro masvondo mashoma adarika wekuti madzishe haafanire kupindira munyaya dzezvematongerwo kana kuve nedivi raakarerekera.
VaMnangagwa vatiwo nyika dzose pasi rino dzakasunguka kutumira vaongorori vesarudzo kana nhasi chaiye vachiti bato ravo harina chekutya kuti paitwe sarudzo dziri pachena.
VaMnangagwa vakurudzira vatsigiri vavo kuti vabatane pamberi pesarudzo vakashora vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti vanga vakonzera kusawirirana mubato ravo izvo zvavati vakazomisa kubudikidza nekupindira kwakaita mauto mune zvematongerwo enyika gore rapera zvakazoita kuti VaMugabe vasiye basa.
Panyaya yebudiriro, VaMnangagwa vavimbisa kugadzirisa migwagwa, nyaya yekusimbaradzwa kwekugadzirwa kwemagetsi, kusimbaradza nyaya yekurima pamwe nekugadzirisa nyaya dzemasaisai kuitira kuti veruzhinji vakwanise kubata zvinotepfenyurwa nemakambani enhau.
Facebook Forum