Dare repamusoro ratura mutongo wekuti nyaya yekutengwa kwebepa rinogadziriswa gwaro rekuvhotera pamwe ne ink ichashandiswa pakuvhota musarudzo dzemwedzi unouya inzwikwe nechimbichimbi.
Mutongi wedare repamusoro, VaPisirayi Kwenda, vatura mutongo uyu panyaya yakakwidzwa kudare nemutungamiri wePeople’s Democratic Party, PDP, VaTendai Biti, pamwe nemutauuriri webato iri, VaJacob Mafume, vachiti inzwikwe musi wa 30 mwedzi uno usati wadarika.
VaBiti naVaMafume vakaenda kudare repamusoro vachida kuti komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, iise pajekerere nyaya yekutengwa kwebepa richagadziriswa mapepa ekuvhotesa pamwe ne ink ichanyikwa zvigunwe nevanhu vanenge vavhota musarudzo dzemwedzi unouya.
Gweta raVaBiti naVaMafume panyaya iyi, VaJeremiah Bhamu, vaudza dare kuti nyaya iyi inofanira kunzwikwa nechimbichimbi sezvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatotara zuva resarudzo uye vachakwikwidza musarudzo idzi vachitarisirwa kusvitsa mazita avo kudare rinotambira mazita evachada kukwikwidza musarudzo idzi re nomination court neChina.
Mumapepa ari pamberi pedare, VaBiti naVaMafume vanoti kutengwa kwebepa richagadziriswa mapepa ekuvhotesa kunofanira kuitwa zviri pachena kuitira makambani ose anokwanisa kutengesera ZEC bepa iri awane mukana wakaenzana uye zvinhu zvichiitwa zviri pachena kwete zvakaitwa neZEC kuti yakangofuma yave kutaura kuti bepa iri richabva kune imwe kambani iri kuSouth Africa yaisiri kubudira veruzhinji pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika pachena.
Gweta reZEC, VaTawanda Kanengoni, vabvuma kuti nyaya iya inzwikwe nechimbichimbi pasina kupikisana naVaBamu.
Zvichakadai, mapato mazhinji ari kuda kukwikwidza musarudzo dzegore rino aswera achimhanya-mhanya kuti aendesa mapepa awo ku nomination court iyo ichagara mangwana mumatunhu ose emunyika mangwana.
Zvichakadai, matare awanawo vaimbova gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vasina mhosva pamhosva yavanga vachipomerwa yekubuda munyika zvisiri pamutemo.
Mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Josephine Sande, vatura mutongo wekuti vaimbova gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, avo vanga vachipomerwa mhosva yekubuda munyika zvisiri pamutemo, havana mhosva yavakapara.
Mutongi wedare ati makasha embumburu dzakashandiswa dzakawanikwa kumba kwaVaKasukuwere pamwe nekuboorwa kwemadziro pamwe nekupwanyika kwakaitwa mahwindo emba yavo kwakakonzerwa nekuridzwa kwakaitwa pfuti munguva yeOperation Restore Legacy zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa, zvinoratidza kuti hupenyu hwaVaKasukuwere hwakange hwave panjodzi.
Mutongi wedare aenderera mberi achiti nehupfumi huna VaKasukuwere uye semunhu anofamba nepasipoti yevanhu vanoremekedzwa, kana kuti diplomatic passport, hazvaikodzera kuti VaKasukuwere vangobuda munyika zviri kunze kwemutemo pasina chikonzero chakati tsvikiti.
VaKasukuwere vati vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare.
VaKasukuwere ndevamwe vemakurukota ehurumende akatiza munyika pakaitwa chirongwa che Operation Restore Legacy nemasoja achitungamirwa nemukuru wawo panguva iyi, VaConstantino Chiwenga, avo vakazoitwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika mushure mekunge VaMugabe vapidigurwa.
VaKasukuwere vakazodzoka munyika mwedzi wapera mushure mekupedza mwedzi mitanhatu vari kunze kwenyika kwavakaenda muhupoteri.
Facebook Forum