Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vanowanikwa Vasina Mhosva


VaSaviour Kasukuwere
VaSaviour Kasukuwere

Matare edzimhosva awana vaimbova gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vasina mhosva pamhosva yavanga vachipomerwa yekubuda munyika zvisiri pamutemo.

Mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Josephine Sande, vatura mutongo wekuti vaimbova gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, avo vanga vachipomerwa mhosva yekubuda munyika zvisiri pamutemo, havana mhosva yavakapara.

Mutongi wedare ati makasha embumburu dzakashandiswa dzakawanikwa kumba kwaVaKasukuwere pamwe nekuboorwa kwemadziro pamwe nekupwanyika kwakaitwa mahwindo emba yavo kwakakonzerwa nekuridzwa kwakaitwa pfuti munguva yeOperation Restore Legacy zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa, zvinoratidza kuti hupenyu hwaVaKasukuwere hwakange hwave panjodzi.

Mutongi wedare aenderera mberi achiti nehupfumi huna VaKasukuwere uye semunhu anofamba nepasipoti yevanhu vanoremekedzwa, kana kuti diplomatic passport, hazvaikodzera kuti VaKasukuwere vangobuda munyika zviri kunze kwemutemo pasina chikonzero chakati tsvikiti.

VaKasukuwere vati vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare.

VaKasukuwere ndevamwe vemakurukota ehurumende akatiza munyika pakaitwa chirongwa che Operation Restore Legacy nemasoja achitungamirwa nemukuru wawo panguva iyi, VaConstantino Chiwenga, avo vakazoitwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika mushure mekunge VaMugabe vapidigurwa pachigaro.

VaKasukuwere vakazodzoka munyika mwedzi wapera mushure mekupedza mwedzi mitanhatu vari kunze kwenyika kwavakaenda muhupoteri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG