Vachitaura pakuparurwa kwegwaro iri iro ravari kudaidza kuti Sustainable and Modernisation Agenda for Real Transformation, kana kuti SMART, VaChamisa vati veruzhinji vacharohwa nembovha yemufaro munyika kana veruzhinji vakavavhotera kuve mutungamiri wenyika musarudzo dzegore rino.
Vechidiki vebato reZanu PF vafora muHarare nhasi vachiti vari kuda sarudzo dzine runyararo pamwe nekutsigira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakati vari kuda kuti sarudzo dzegore rino dziitwe zviri pachena.
Vatsigiri vaZanu PF varatidzira muHarare vachiti vanoda sarudzo dzakachena uye vachatsigira mutungamiri wavo, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo yemutungamiri wenyika.
Vatsigiri ava vanoti vanoda kuti sarudzo dziitwe murunyararo.
Vatsigiri veZanu PF vabvarurirana mbatya apo vanga vachirwira mbatya dzavapihwa pachena.
Vatsigiri veZanu PF vapinda mumigwagwa vachiratidzira vachiti vachatsigira mutungamiri wavo, VaEmmerson Mnangagwa
Vadzidzisi vekumaruwa vanoti kunyoresa vana ve O’Level bvunzo dzema practical ezvidzidzo zvesainzi kuchanetsa sezvo zvikoro zvekumaruwa zvizhinji zvisina midziyo kana zvikwanisiro zvekuti bvunzo idzi dzinyorwe.
Mumwe wevakarwira rusununguko, VaMunyaradzi Shoko, vanoti rusununguko rwenyika nderwemunhu wese
Mutungamiri wePeople's Democratic Party, VaTendai Biti, vachitaura neChipiri kuvanhu veMDC Alliance vaungana muAfrica Unity Square muHarare
Zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa zvaratidzira muHarare nhasi mazvasvitsa magwaro enyunyuto akanangana nemafambisirwo esarudzo kuZimbabwe Electoral Commission pamwe nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
MDC Alliance nhasi yapinda mumigwagwa yemuHarare ichiratidzira kusafara kwayo nemafambisirwo ari kuitwa sarudzo neZimbabwe Electoral Commission iyo inoti iri kuzorwa mafuta enguruve yaisina kudya.
Mumwe wevatungamiri veMDC Alliance, VaTendai Biti, vanoti bato reZanu PF rinofanira kuendeswa kumatare richipomerwa mhosva yekuuraya hupfumi hwenyika zvavanoti zvaita kuti veruzhinji vatambudzike kwemakore akawanda.
Nyika yakatarisana nesarudzo gore rino uye mapato mazhinji ari kuita gadziriro dzekukwikwidza musarudzo idzi.
Mutungamiri werimwe bandiko reMDCT VaNelson Chamisa avo vari kutungamira mubatanidzwa weMDC-Alliance vanoti ruzhinji rweZimbabwe rwuri kubhadhariswa mutero wakawandisa.
Vaimbova gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vamiswa pamberi pedare ramejasitiri muHarare uko kwavapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso madhora mazana matatu pamhosva yavari kupomerwa yekubuda munyika zvisiri pamutemo.
MDC Alliance inoti haisi kufara kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatara zuva resarudzo pasina kugadziriswa zvose zvinodiwa kuti paitwe sarudzo dziri pachena.
MDC Alliance inoti haisi kufara nezvakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvekutara zuva richaitwa sarudzo panguva iyo zvinetswa zvinobata sarudzo dzacho zvisati zvagadziriswa. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Kutarwa kwezuva resarudzo kunogaronetsa veruzhinji kuti kunofambiswa sei kana sarudzo dzave pedyo.
Mishonga yekurapisa vana vadiki kuti vasabatwe nezvirwere zvinobata vana vacheche inonzi yave kunetsa kuwana muzvipatara zvehurumende zvavekupa kuti vane vana vacheche vashaye zvokuita nevana vavo
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti pane nhengo dzeZanu PF dziri kuronga kuvabvisa pachigaro kana vakakunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru. Vataura mashoko aya pamuzinda webato ravo pavasangana nevakakunda pamwe nevakakundwa musarudzo dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo.
Rodhai zvimwe