Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti pane nhengo dzeZanu PF dziri kuronga kuvabvisa pachigaro kana vakakunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru. Vataura mashoko pamuzinda webato ravo nhasi pavasangana nevakakunda pamwe nevakakundwa musarudzo dzekutsvaga vachamirira Zanu PF.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati vari kutyira kuti vangangobviswa pachigaro kana vakakunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru, vachiti pane vari mubato ravo reZanu PF vari kuronga kuita izvi.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotara zuva remus wa 30 Chikunguru 2018, sezuva resarudzo dzose munyika.vanotara zuva remusi wa 30 Chikunguru 2018, sezuva resarudzo dzose munyika.
MDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa inoti yave nenhengo dzichamirira MDC Alliance musarudzo munzvimbo dzakawanda, kunyange hazvo pachine dzimwe nzvimbo dzisati dzapedza sarudzo dzema primary, uko kuri kubva zvichemo.
Bato reMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoita musangano nevatori venhau wekutsanangura mafambiro ari kuita sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dziri kuitwa munyika gore rino.
Vechidiki vanobva kumapato akasiyana siyana voita zvemitambo muHarare. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
VaNelson Chamisa nezuro vakabatana nevechidiki vange vachiita zvekumhanya muHarare. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Dzimwe nhengo dzeparamende dziri muMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzakakundwa musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzeparamende dzinoti hadzisi kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzichiti dzave kuda kuti sarudzo idzi dzidzokororwe.
VaChamisa vamhanya nevechidiki muHarare muchirongwa changa chichidaidzwa kuti “Run for Change”, charongwa nevechidiki vari kuzvidaidza kuti hashtag Generational Consus.
Mutungamiri weEquatorial Guinea VaTheodoro Obiang Nguema Mbasogo vakasangana nevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakasanganazve nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachipeta kushanya kwavo kwemazuva maviri.
Mutungamiri wenyika yeEquatorial Guinea VaTheodoro Obiang Nguema Mbasogo vakasangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pavakazeya nyaya dzekusimbaradza kudyidyana pakati peZimbabwe nehurumende yekuMalabo.
Mutungamiri weEquatorial Guinea VaTheodoro Obiang Nguema Mbasogo vakapinda muHarare nemusi weChina mukushanya kwemazuva maviri.
Mutongi wedare repamusoro, VaCharles Hungwe, neChitatu vakati vachatura mutongo wavo muzuva ravasina kutara panyaya yakakwidzwa kudare iri naVaAbraham Mateta, vachida kuti dare rimanikidze ZEC kudhinda magwaro ekuvhotesa anoshandiswa nevasingaoni erudzi rwe braille.
Mashoko akaburitswa naVaSibanda haana kupa zvikonzero zvakaita kuti VaShamu vadzingwe basa nemutungamiri wenyika. VaSibanda vakaudzawo Studio 7 parunhare kuti vachazotaura zvizere nhasi kuti sei VaShamu vakamiswa basa.
Hurumende inoti yazivisa mapurisa eInterpol kuti asunge vaimbova gurukota redzidzo yepamusoro VaJonathan Moyo kuti vagozotongwa nemhosva yavari kupomerwa yelushandisa mari yehurumende zvisirizvo.
Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru, avo vave kutungamira bato reNational people’s Party, nhasi vaparura gwaro rehwaro hwavachatevedzera mukutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rino.
Komisheni inoona nezvesarudzo inoti veruzhinji vanokwanisa kutanga kunotarisa kuti mazita avo arimo here mugwaro revavhoti kubva mangwana ichiti vanga vasati vakwanisa kunyoresa kuvhota musarudzo dzegore rino vanokwanisawo kunyoresa sevavhoti.
Vachitaura pamusangano warongwa neUniversity of Zimbabwe pamwe nesangano rinowona nezvesarudzo reElection Resource Centre wanga uchizeya nyaya dzesarudzo munyika, VaZvorwadza vati sarudzo dzegore rino dzichaitwa zviri pachena. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaFortune Chasi, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nevemapato ezvematingerwo enyika vanofanira kutaura zvavanenge vachida kuti zvivandudzwe mumitemo inobata sarudzo paine nguva. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Mutungamiri wesangano revanotengesa mumigwagwa reNational Vendors Union, VaSten Zvorwadza, vanoti sarudzo dzegore rino dzichaitwa zviri pachena kunyange hazvo vemapato anopikisa vachiti hwaro hwesarudzo hunofanira kugadziriswa.
Rodhai zvimwe