Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende dzeMDC-T yaVaChamisa Dzakakundwa muSarudzo Dzonyunyuta


Nhengo dzeMDC-T inotungamirirwa naVaChamisa dzichivota musarudzo dzema primary.

Dzimwe nhengo dzeparamende dziri muMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzakakundwa musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzeparamende dzinoti hadzisi kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzichiti dzave kuda kuti sarudzo idzi dzidzokororwe.

Dzime Nhengo dzeparamende dzeMDCT dzakakundwa musarudzo dzema primary mukupera kwesvondo dzinoti sarudzo idzi hadzina kufamba zvakanaka. Nhengo idzi dzinoti sarudzo idzi dzakaitwa paine zvibingamupinyi zvakasiyana-siyana uye dzinoti dzakwidza nyaya iyi kukomiti iri kuona nezvesarudzo mubato iri.

Mumwe wenhengo idzi, VaFani Munengami, avo vanomirira Glen View North muparamende vanoti vakwidza zvichemo zvavo ku Elections Directorate mushure mekukundwa kwavanonzi vakaitwa naVaKennedy Diner.

Vamwe vakakundwa musarudzo idzi ndiVaJames Maridadi vanomirira Mabvuku/Tafara, VaGift Chimanikire vanomirira Southerton uye VaElias Mudzuri, vanove mutevedzeri waVaChamisa, vanonzi vave kunokwikwidza musarudzo dzeseneti mushure mekuramba kukwikwidza kwavanonzi vakaita paitsvagwa achamirira bato ravo musarudzo dzeparamende kuWarren Park.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMaridadi, VaChimanikire pamwe naVaMudzuri sezvo nharembozha dzavo dzanga dzisingadairwe.

Asi VaMudzuri vaudza bepanhau reHerald kuti havasi kufara nezviri kuitika mubato ravo vachiti vanoda kuti zvavakatara sebato zvitevedzerwe zviitwe. VaMudzuri vanotiwo semukuru-mukuru mumusangano wavo havafanirwe kuti vakwikwidzwe nevanhu vasingatombozikanwe mumusangano.

Mumwe wevakakundwa musarudzo idzi ndiVaSimon Chidhakwa vanomirira Zengeza West muparamende avo vakakundwa naVaJob Sikhala. SaVaMunengami, VaChidhakwa vanotiwo sarudzo idzi hadzina kufamba zvakanaka.

VaChidhakwa vanoti sarudzo dzema primary dzakaitwa idzi dzinonyadzisa uye vanoti vatokwidza nyaya iyi kune vakafanobata chigaro chasachigaro webato ravo VaMorgan Komichi.

Zvinonziwo sarudzo dzekutsvaga achamirira bato iri kuMbare hadzina kufambiswa zvakanaka.

Mumwe wevaikwikwikwidza musarudzo idzi, VaPaul Gorekore vanove kanzura mukanzuru yeHarare vaudza Studio 7 parunhare kuti mumwe wavaikwikwidzana naye, VaStarman Chamisa, vanova munin’ina wemutungamiri webato ravo, vakatuta vanhu kuenda kuHarvest House kwavakanoitira sarudzo ivo vakasara vari kuMbare vakamirira kuti sarudzo dziitwe.

VaGorekore vati havatambire kukunda kwakaita VaStarman Chamisa vachiti ivo vari kuzvitora sekuti hapana sarudzo dzakaitwa.

Zvichakadai, mutauriri weMDC-T, Muzvare Thabitha Khumalo, vati titaure naVaKomichi nenzvenyaya. Hatina kukwanisa kutaura naVaKomichi pamwe nemunyori mukuru mubato iri VaDouglas Mwonzora kuti tinzwe pamire bato ravo sezvo vanga vachinzi vari mumusangano wekuzeya nyaya iyi.

Asi bato iri razivisa kuti VaKomichi nechipiri vari kutarisirwa kuita musangano nevatori venhau pamuzinda webato weMorgan Tsvangirai House muHarare.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG