Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vopomera Vamwe Vavo muZanu PF Mhosva Yekuda Kuvabvisa Pachigaro


Mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa vanoti mubato mavo mune vari kuda kuvabvisa kana vakakunda musarudzo.
Mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa vanoti mubato mavo mune vari kuda kuvabvisa kana vakakunda musarudzo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati vari kutyira kuti vangangobviswa pachigaro kana vakakunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru, vachiti pane vari mubato ravo reZanu PF vari kuronga kuita izvi.

Vachitaura pamuzinda webato ravo muHarare pavaita musangano nevakakunda pamwe nevakakundwa musarudzo dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo dzeparamende, VaMnangagwa vati vakawana runyerekupe rwekuti pane vakashandisa mari kuti vakunde musarudzo vagozovabvisa pachigaro vachishandisa dare reparamende kana vachinge vakunda musarudzo dzakatarisirwa musi wa30 Chikunguru.

Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakazonyora tsamba yekusiya basa muna Mbudzi gore rapera pakapindira mauto mune zvematongerwo enyika mushure mekunge nhengo dzeparamende dzakange dzatanga hurongwa hwekuvabvisa pachigaro mudare reparamende.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paGreat Zimbabwe University, Doctor Takavafira Zhou, vati zvataurwa naVaMnangagwa izvi zvinoratidza kuti vakaomerwa nezvinhu pamberi pesarudzo idzo dzavati vanogona kusabudirira madziri.

Nekune rumwe rutivi, VaMnangagwa vakurudzirira vose vakakunda pamwe nevakakundwa musarudzo dzema primary mubato ravo kuti vabatane voshanda pamwe chete pamberi pesarudzo vachiti chakakosha ndechekuti bato ravo rikunde musarudzo dziri kuuya.

VaMnangagwa vatiwo hapana dzimwe sarudzo itsva dzichaitwa dzekutsvaga vachamirira bato ravo musarudzo dzeparamende vachiti vakahwinha ndivavo vachamirira bato ravo musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Vati avo vari kurwadziwa nekukundwa kwavakaitwa pamwe neavo vanoti sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka vanofanira kumirira nguva inotevera sezvo vachiti vave kutandanisana nesarudzo dzenyika idzo dzavanoti vanofanira kuhwinha zvinemutsindo vachiti mapato anopikisa awandisa zvavati zvinovapa mukana wekukunda musarudzo dzegore rino.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG