Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanobatana neVechidiki muMujaho weKumhanyira Shanduko


VaNelson Chamisa

Mutungamiri werimwe bato reMDC-T, VaNelson Chamisa, nhasi vamhanya nevechidiki muHarare vachiti vave kumhanyira kunohwinha masimba musarudzo dzegore rino.

VaChamisa nhasi vamhanya nevechidiki muHarare muchirongwa changa chichidaidzwa kuti “Run for Change”, charongwa nevechidiki vari kuzvidaidza kuti #Generational Consensus.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaChamisa vati bato ravo ragadzirira kutora masimba musarudzo dzegore rino vachiti kumhanya kwanhasi kunoratidza kuti vave kumhanyira kuenda kuState House.

Mutungamiri wePeople’s Democratic Party uye vari mumwe wevatungamiri veMDC Alliance, VaTendai Biti, vati chiitiko chanhasi chinoratidziwo kuti vechidiki vanogona kuita zvinhu murunyararo.

Mumwe wechidiki amhanyawo naVaChamisa, Muzvare Rudo Mangezi vati sevechidiki vane basa rakakura kwazvo rekuona kuti vezera ravo vavhota musarudzo dzegore rino vachiti gore rino igore rebindurazvinhu.

Vechidiki vakawanda vauya pachiitiko ichi vawanawo mukana wekutorwa mifananidzo naVaChamisa vakati vafara zvikuru kubatawo maoko avo.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG