Accessibility links

Breaking News

VaZvorwadza Vokatyamadza Vanhu Mushure Mekuti Sarudzo Dzichaitwa Dzichange Dzakachena


Sten Zvorwadza

Mutungamiri wesangano revanotengesa mumigwagwa reNational Vendors Union, VaSten Zvorwadza, vanoti sarudzo dzegore rino dzichaitwa zviri pachena kunyange hazvo vemapato anopikisa vachiti hwaro hwesarudzo hunofanira kugadziriswa.

Vachitaura pamusangano warongwa neUniversity of Zimbabwe pamwe nesangano rinowona nezvesarudzo reElection Resource Centre wanga uchizeya nyaya dzesarudzo munyika, VaZvorwadza vati sarudzo dzegore rino dzichaitwa zviri pachena.

Mashoko aVaZvorwadza aya anopesana nezvavaisigarotaura makore ose pavairohwa vachiratidzira pamusoro pekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.

Mashoko aVaZvorwadza aya ashorwa naVaLovemore Madhuku vanove mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe uye vari mutungamiri webato reNCA avo vati hapana chati chachinja kubva pakaitwa sarudzo dzapfuura. VaMadhuku vati vashamisika nezvavakubuda mukanwa maVaZvorwadza avo vaigara vachiita hwekiti negonzo nehurumende.

VaZvorwadza vati mapoka eMDC akatambisa nguva ari muhurumende mavanoti akatadza kutaura nezvekuvandudzwa kwemitemo inobata sarudzo.

VaMadhuku vanoti mapoka eMDC haakodzere kutaura nezvekuvandudzwa kwemitemo inobata sarudzo.

Zvichakadai, mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaFortune Chasi, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nevemapato ezvematingerwo enyika vanofanira kutaura zvavanenge vachida kuti zvivandudzwe mumitemo inobata sarudzo paine nguva.

Sarudzo dzakatarisirwa kuitwa munyika mumwedzi mishoma iri kutevera uye mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatarisirwa kutara zuva resarudzo kana komisheni inoona nezvesarudzo munyika yeZimbabwe Electoral Commission yapedza kugadzira gwaro revavhoti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG