Accessibility links

Breaking News

Mutungmiri weNyika yeEquatorial Guinea VaNguema Mbasogo Voita Musangano naVaMnangagwa


Mutungamiri weEquatorial Guinea VaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo
Mutungamiri weEquatorial Guinea VaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo

Mutungamiri weEquatorial Guinea VaTheodoro Obiang Nguema Mbasogo vakapinda muHarare nemusi weChina mukushanya kwemazuva maviri.

Vakabva vananga kuState House kunoita nhaurirano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa paState House. Nekune rumwe makurukota ehurumende auya naVaMbasogo arikuita musangano nemakurukota ehurumende yemuno.

VaMbasogo vari kufamba negurukota rinoona nezvinoitika kunze kwenyika, gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika,gurukota rezvekutengeserana nedzimwe nyika pamwe nevamwe vakuru-vakuru muhurumende yavo.

Mupepeti webenhau reThe Observer, VaBarnabas Thondlana, vati Zimbabwe ingangowana chouviri kubva pakushanya kwaVaMbasogo sezvo kunyika kwavo kune mafuta.

Kushanya kwaVaMbasogo kunouyawo panguva iyo nyika yakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemafuta edzimotokari.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reRevolutionary Research Institute of Zimbabwe, VaTjenesani Ntungagwa vati hapana zvakawanda zvekunyanyoyarisira kubva kuhurumende yaVaMbasogo munyaya dzezvehupfumi sezvo vachiti ruzhinji rwevanhu rwuri kunhonga svosve nemuromo kuEquatorial Guinea.

VaMbasogo vakatarisirwa kusangana nevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe mangwana.

VaMbasogo avo vari kufamba nechikwata chevanhu makumi matanhatu nevana vakatarisirwa kudzokera kunyika kwavo mangwana kana vapedza misangano yavavinga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG